NnnnnnNaisonchipfumhi

NnnnnnNaisonchipfumhi Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from NnnnnnNaisonchipfumhi, Book shop, MBERENGWA, Mberengwa.

03/09/2024

Vanoda kuverenga mabuk edu pachena huyayi kuchanel free muzoverenga mabuks ese munzwe mutakunanzva.

Kune mabuks akayita saDomwe REROPA

Dungwe revaroyi season 1 kusvika 4

MUKWASHA IMBOKO

DZERUDO DZAGARA DZINONETSA

UPFUMI INJERE

Mazita EMABASA

BHOZIDA

True legend

KURUMWA NENYUCHI DZEGONERA

ZVATOSVORANA GONZO NACHIN'AI

UNOYIFIRA

TALIBAN CHADHOMORA

KURUMWA NECHEKUCHERA

Mavambo eruvengo

Christmas box

Neamwe andisina kutawura

By Naison Chipfumhi ndibate kuWatsvapu 00263712691681

Vanoda kujoina watsapp group ndibatei panumber 00263712691681

03/09/2024

TRUE LEGEND

CHAPTER 19

STORY BY

NAISON CHIPFUMHI

0712691681

2 September 2024 Production.

Musecurity uya paakandivinga akabata pfuti pakabva payita mudhumo wechikopokopo wakasubuda nepachikomo chekwaDhlodhlo.
Ndakaringa mudenga ndikavona chinemakwapa makwapa ndikaziva kuti ayiva magandanga ayiva asvika.
Ndakavona musecurity achitendeuka nekukurumidza ndokudzokera kumota kwaayiva nevamwe vake.

Mota yakamutswa zvinemasimba ndokusumudza huruva yakananga kwayayiyenda.
Chikopokopo chakandeya nekuruware rwekwaBenny ndokudzoka chichimanyisa VaGwese uku risina charakapfeka.
Rume rayingova nechihat chinenge Howa mupengo huya hunouraya.

Pachikopokopo payiva pakaremberera rimwe rume rino gobvu dema rayiva rakapfeka mbatya dzinofanana nemavara echikopokopo.
Rayiva rakapfeka hat inofanana nevatyayiri vemudhudhudhu.

Rayisvebhura vaGwese magadziko neyimwe svebhu yayiti ichirira yayita semheni.

"Ndiregeyi ndinokuratidzayi, mhayiwe Kani Mira kudaro comrade mondivuraya.
Inga Wani ndiri umwe wenyu nguva yehondo ndayiva mujibha Wani..."

Panguva iyi ndayiva ndakavanda seri kwechuru.
Ndayivona mutakunanzva wefirimu nduna huru dzichisukutwa.

Gwese rakanosiyiwa rapinzwa mambuya Vunye.
Chikopokopo chakatinha vanhu nguva doko doko.
Ndakabva ndabva mudenhere chikopokopo chamhara ndokupinda muruzhowa rwambuya Vunye.
Ndayida kunzwa chinotora nzvimbo.
Mbuya Vunye svayiva svisipo hameno kuti svayiva svapinda payi.

"Mose mune mhosva kunyanya sabhuku nevamwe vatumgamiri makavhutsira munhu Ari mupenyu.

Bepa randakabata iri ndiro rinemazita evanhu vanova Ivo vanga vachifurira vanhu kuyita zvakayipa.
Bepa iri taripiwa neZRP ichiti Fata ndiye anyoresa mazita awa.
Mazita awa atina kuzvinyoreta zvemusoro wedu.
Fata ndiye ayendesa mazitako kupolice.

*Eredha* *Vunye*

*Gwese* *wenharo*

*Zimie Mushavi*

*Andaweyi pendiyezerere*

*Sabhuku Jabhudhokiss*

*Juneway Siyaso*

*Pesvukayi Rovachibereko*

*Engiroshi* *Chisvunudzamauto*

*Punirayi Chikari*

*Edhamorisi* *Chidyamhiripiri*

*Chidyamakono* *mupatamukuru*

"Munhu wese watadana ngaaende rutivi uru.
Mazita Acho wega unongovona kuti idzi IMBOKO.
Manje ini mboko ndotasamura kwete zvishoma."

Rakavomba izwi Riya.
Wayitawura handina kuvona kuti wayiva Ani becoz ndayiva ndiri muruzhowa ndakahwandisa musoro.

"Mbuya Vunye havapo ndiyo honzeri yatinyengera vanhu vose.
Dayi matovatsvaka because ndivo muparanzvongo.
Vatiza nerutivi urwu uye vanga vakapfeka siketi yebrown nechipika chitsvuku chinegwapa Jena kunge shiri iya inonzi siyagodo."

Ndakarihwa kuti iri ndiGwese rorevera mbuya Vunye.

Rakayiridzwa mbama Gwese.

"Akubvumidza kutawura ndiyani?, Nhasi pano panotsva demo kuchisara mupinyi.
Hoza lapa umudhala."

Rakavomba rimwe izwi ndikahwa Gwese richisvebhurwa dzimwe mboma mbiri.
Panguva yakaridzwa Gwese mboma mbiri ndakanga ndasumudza musoro sechidhambakura ndichida kuvona chinotora nzvimbo.
Parakarohwa rakasvetuka uku rakazarura makumbo.
Kubva zuva randakaripisa chibereko ndayiva ndisina kuvona kuti chakatsva chikasarira papi.
Pandakasumudza musoro ndakasanganidzana naro riri mumhepo rakazarura makumbo ndokuvona kuti chiweti chayiva chatsva zvokwadi.
Chayiva chi3 cm chakatsvuka zvekuti kana usina kuvonesesa unogona kuvona sekuti rakanamira chigwishu checarrot.

Maroverwo ayiva ayitwa Gwese rinenge rayiva rarohwa panyama nhete.
Umm Pera masvetukiro Acho rakasvetuka richiyita zvekumwaya weti sezvinoyita spray inosipureya cotton.

Weti yacho inenge yayipisa because ndakavona rimwe zimusoja rakatomhoka kuyenda mudenga richiratidza kuti weti yayiva yarifamba mumaziso kana kuti mumhino.

"Opwo, bhuu, opwo, opwo, bhuu pfiii."

Zimusoja Riya rakosora uku rakati zhokoto pasi nemagadziko.
Rinobva ramuka rakanongedza Gwese nepfuti.
Mumwe musoja unobva ayibhumura pfuti yorira yakananga mudenga.

Ndakarinzwa bara ndiri muruzhowa kuti hwiiii rakananga mudenga.

"Ndiregedzeyi ndirivuraye rume iri mhani maganasi.
Haangandiweteri mumhino nemumuromo zvose nemaziso.

Opwo, puu.
Weti yacho inososona kunge zimunhu rakadya hurukuru."

"Ayiwa comrade Tomusota imbomira hasha.
Unogona kuuraya munhu une information yakazara pabasa ratavinga.

Kana tichizorivuraya torivuraya tapedza zvatavinga.
Chero ini randiwetera unofunga ndingafara nazvo kuti mukadzi wangu anowachiswa weti yeumwe murume ini.
Risunge tiriremberedze mumuti umu.

Vanhu vachasara vochera rimwe guva because iri guva ramuchavhukunura munhu wamakacherera husiku tava kuchiriviga rume iri."

Rakadaro rimwe gunman ndakavona Gwese richindundurudzwa richinoremberedzwa mumuchecheni.

Muchecheni wacho wayiva pedyo nekuruzhowa kwandayiveri.
Magunman anobva arisiya ririko arakasungwa neketani dzisingadambuki.
Gwese rinenge richingoti mvee, mvee mumuti semureza.

Chero zvangu naGwese Tanga tisingawirirani zvakanaka naka ndakatanga kurinzwira tsitsi zvakanyanya.

"Mwari, ndiri mutadzi mukuru ndiro shoko rangu rekutanga.
Zvino nhasi ndovona sekuti ndiro zuva rangu rekupedzisira kuvona zuva.
Kutofa kwangu itoti poromosheni nekuti handivoni chandichararamira.
Dayi chiweti Chisinau kutsva ndayimbokumbira mamwe mazuva ekurarama ndichiwedzera kubatsirana nemwi kusvika vanhu.
Zvino chiweti chakaperera kuvapfumbi kwaMarandi kumupfula wemadube."

Rinombomira kutawura Gwese richikosora kosora.

Panguva iyi ndayingovona vanhu vayiva kuguva vachingoringa ringa kunaGwese.
But hakuna ayimbotarisa imwe nzvimbo kunze kwekutarisa pakati pemakumbo aGwese.
Varume vazhinji chero zvazvo vayiva panguva yekushungurudzwa asi ndayivona nyemwerero dziripo pameso.
Chinhu chayiita kuti vanyemwerere chero vasina kundiudza ndayichiziva.

Varume vayifadzwa kuti rume rayivatorera vakadzi vavo harichina chombo.

"Makavukereyi muchitadza kufukunura chitunha chamafutsira.
Kurumidzayi kufukunura, mukayita zvekutamba chinhu chamunovukera muchitadza kuyita basa ndava kunochicheka.
Ndagara ndichitoda kuchicheka chinotondisvotawo zvangu."

Rakadaro rimwe gunman richivhomora muhwehwe webanga.
Pakavhomorwa Banga rayipenya ndakahwa Gwese rowedzera kunamata.

" Ooh my rodhi jizasi ndofa hangu ndichimwawurwa mwawurwa senhumbi dzandarubva.
Ooh jizasi ofu Nazuruta ( Nazareth) mina kumbila impilo mama wee uvava umukulukulu wepezulu avantu vazimbahla zemakwapa makwapa zandihlamukira."

Rakadaro Gwese rakabudisa ziso sechipoko chasangana natsikamutanda.
Ziso rayiva rakayita kuvheneka pabanga chayipo.
Panguva iyi mugandanga wayirodzera Banga panechimwe chiruware.

"Rega kupedza nguva uchirodza Banga iro rakatesva ganasi."

Rakadaro rimwe racho zimugandanga.

"Ayiwa varume chinhu icho chakasimba, hazvishamisi kuti Banga rogona kutovhunika."

Rume richipedza kurodza Banga rakabva rakanyayira rakananga Kuna Gwese.
Rakasvika ndokubata chinhu ndokutanga kusadharara richicheka.
Ukuvo Gwese rayingokava kava ririmudenga.
Ndakavona gunman vachidonhera kwakadaro ndikafunga kuti chinhu chakwachuka.
Kwanzi, Banga ndiro rayiva ravhunika chinhu hachina kumboyita vanga.

"Varume chinhu ichi chinotoda saw iya yekugura simbi.
Chakawoma kuti ngaa."

Rakadaro gunman richipukuta mavhu kumeso.
Gunman rayiva rawa rikavumburukuta pasi.

"Imbosiyana naro shamwari tizoyita basa.
Pane muchembere asipo pano ANOVA iye muparanzvongo Saka vanoda kusechewa nendega.
Pano pachasara vamwe vakarinda vanhu ava vachiita basa.
Tichangoda sabhuku chete mundega umu achiratidza mafambiro uye nemunhu wacho nekuti isu hatimuzivi.

Raiadzokera gandanga kuvamwe varo ndokusara Gwese royenderera mberi nemunamato.

Rakamboyimba kanziyo zvishoma kaBlessing Shumba kekuti munamato wangu Ishe ndovuya kwamuri.
Ndakambofunga kuti Gwese rabudirwa nemudzimu parakatanga kuyimba karwiyo kacho.
Matangiro Acho ndiwo akandipedza Simba rose mumuviri.
Gwese rakatanga negitari racho.

"Dhututuru, dhututuru, dhindindiri.
Dhututuru, dhututuru, dhindindiri.

Ndouya, ndouya kwamuri munamato wangu Ishe wee ndovuya kwamuri."

Ndakazovhiringwa nemudhumo wechikopokopo zvakayenda mberi handina kuzonzwa.
Pakayenda chikopokopo kundosecha mbuya Vunye ndipo pandakasara ndonzwa Rava kurevurura.

"Chinhu chekutanga ndoda kurevurura baba.
Ndorevurura kupomba zvose nekupombewa.
Ndini ndakavuraya baba vaRun'an'a.

Ndakavuraya vanhu vakawanda asi vamwe ndayisavuraya nekuda ndayinyengerwa."

Gwese risati rapedza kurevurura kwakayita mhere yemudhumo wechikopokopo.
Chayiratidza kuti hakuna kure kure kwachayiva chamboyenda.
Ndakavona chichibudikira nepamusoro pechikomo chekwaSabhuku mbuya Vunye svakaremberera musoro pasi makumbo mudenga.
Dembe rasvo rayiita kupepereka semureza wekuJamayika.

Chakasvika ndokumhara zvakanaka naka.
Mbuya Vunye muviri wese wanga wangova green nedhodho.
Ndoshayiwa kuti svichembere isvi svinoyita dhodho regreen seyi isvo svayiseva nenyama mazuva ose.

Svayingoti nyama dzevanhu dzasvayidya kozoti kwamambo svayiva svimuporisa svamambo Saka chitatu neSvondo matare achitongwa svayibva nebandauko rembudzi...

Ndakasumudza musoro ndiri muruzhowa pakaridzwa mbuya Vunye nembama ndichida kuvona chayitora nzvimbo.
Inivo zvekusarira ndayisada.

Gwese randanga ndambonzwira tsitsi pakutanga ndanga ndava kurivenga nenhau yekuti ndanga ndanzwa chirevururo Charo kuti parufu rwababa vangu rayiva nechekuyita.

Pandakasumudza musoro ndakanzwa rimwe gunman richiti varume panechinhu chasumudza musoro murozhowa regayi ndinovona.

Parakadero ndakanzwa mudumbu muchirira kuti tsvororo...

For more information call

00263712691681

Macoments enyu ndiwo anosunda buk kuti riyende mberi.

Vanoda kujoina watsapp group ndibatei panumber 00263712691681

Vanoda kujoiner watsapp grp redu kunova ndiko kune kunotandara vamwe nekuverenga mabuks ose amunoda.Kusanganisira maPdf ...
20/04/2022

Vanoda kujoiner watsapp grp redu kunova ndiko kune kunotandara vamwe nekuverenga mabuks ose amunoda.
Kusanganisira maPdf ndibateyi apa..
00263712691681
Kana kubaya apa👇

Follow this link to join my WhatsApp group:

WhatsApp Group Invite

01/01/2022

CHAISEVA CHOTOTSA

BY

NAISON CHIPFUMHI.

TO GET MORE STORIES CALL +263712691681

Ndini here ndava kurima nemadonkey sendandisakapfuya mombe.
Ndakakarangarira zuva remusi weChristmas ndichitamba bump jive ndakatsika pamusoro pecrate rehwahwa ndichipota ndichibvambura chidya chemombe chaiva pamaratya emoto ndochema.

Cabbage rega kundidaro hama yangu.
Ungabva wauya kuzovakira dendere rako mukicheni mangu here.
Kosei wandipinza parumana nzombe kudaro mwana wehazvanzi yangu.
Tora vutovo hwako uyende kumba kwako rega kundishungurudza hama yangu.
Tarisa headmaster na Landlord vakandibokorera iwe ndopowowuyawo nepano kuzowedzera kukwidza bp.
Sugar yakakwira zuro pandakafunga school fees.
Cabbage rega kudaro muzukuru.
Dayi wauya nacooking oil waigamuchirika.
Zvino zvawangouya wega kudayi wopamha wotandavara mupoto kuita senzeve dzenzou achibva paayiveri dayi, rega kudaro cabbage inga uri wekuziva wani.
Kwedu hakuna ngozi yemunhu akafira mugarden enda kwaGwese ndiko kwatakambonzwa nezvemunhu akafira mubindu.

Ndikafunga mari yangu yakadyiwa naChristmas naNewyear ndochema.

Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haichawerereki.

By chizukuru chaGwese ungachidii, hanya nani chidhoma chikwachivi.
Ndini chizukuru chaGwese chakadirwa mafuta mumusoro chinezvivindi zvokukisser nyala

20/11/2021

DZERUDO DZAGARA DZINONETSA❤️

CHAPTER 2

STORY BY

NAISON CHIPFUMHI

TIRIKUTODZIFAMBIRA NYAYA DZACHO

Pakanodzvinya romo rangu achida kunoridzura ndakanzwa mudhara wake Jambanja achiti nyoka nyoka warumwa Jambanja ndikanzwa kutswanyiwa kwemakwenzi ndikaziva kuti nhema hakuna nyoka yaonekwa ijuluja stick yaiva yaonekwa.

Zvaiva zvaitika ndezvekuti pakabatwa muromo tsvimbo yakagwina ichinongedza mudenga ndofunga kusumuka kwayakaita ikoko ndiko kwakandiponesa.

Ndakanzwa mudhara wacho ava kutaura ava nechekure achiti nyoka yacho ndashaiwa kuti inyoka vani tema ine musoro wakatsvukuruka hatidzokereyi tinoirwisa nerhekeni.
Ndichinzw izvozvo ndakabuda muhwakani ndokukambayira ndichipotera seri kwemakwenzi ndiye sveverere ndokurova pasi.
Mumoyo wangu ndaingoti DZERUDO DZAGARA DZINONETSA.
Tsuro haiponi rutsva kaviri ndiyo tsumo yaingonotenderera mumusoro mangu uku ndichizviudza kuti kwana Nyembesi handichadzokeriko.
Ndaiva ndatogaya kwana MaMlambo.
Mamlambo yaiva ino mai hobvu ine chivaka shure chayo chakakura kuenzana nezvimwe zvematura zvandinoona mimisha imu.
Mamlambo yaiva mai yainzwira murume wese wese tsitsi zvekuti ukasvika akaisa chichemo chako chekuti une nzara yemumba yemukati waibatsirwa very fast.
Chavo chete vaikupa basa, waigona kunzi tema huni kana kusakura mumunda kana iri nguva yekusakura.
Zvino mazuva awa yaitova nguva yekusakura ndaitoziva kuti basa raitoveko.
Mai iyi yairima minda more than 10 but kusakurwa kwayo yaiva isingamiri nekuda kwekugona kusevenzesa njere.
Yaingotaura kuti varume vose vanoda bonde huyayi kundima saka ndiko kwaiswera kwakaungana magonho ese emazera ose kubva kuvakomana vezera rechidoko kusvika kuharahwa dzisingachigoni kufamba dzisina mudonzvo.
Pamusha apa paisatenderwa vanhukadzi kusvikapo paitogara pagedhe pana mahobho akachengetedza.
Nyaya yairambidzirwa vakadzi yaiva yekuti vasaona kuti varume vanenge varimo ndivanani.
Pagedhe paigara rimwe rume rainzi chiturobho raiva nepfungwa dzakaita sedzakatiza.
Raig

20/11/2021

DZERUDO DZAGARA DZINONETSA❤️

CHAPTER 1

STORY BY

NAISON CHIPFUMHI

3 AUGUST 2021

TIRIKUTODZIFAMBIRA NYAYA DZACHO DZIRIKUNETSA

"Bata, bata isvo isvo nasvo svii bhoki bata.
Yakakanda tsvimbo nababa Nyembezi ichida kunonditega nemugotsi ndichibva ndati nzvee ichibva yarova muti wemuunze ndokutyoka.
Ndakanokwira chikomo ndiine speend ya30 20.
Chero zvangu ndaimanya zvakasimba asi bhoki waiva wotambira mumakumbo angu achicheka cheka tsapfu dzangu nemazino ake.

Ndakaona kuti ndikaita zvekutamba inofa kwangu ndichibva ndati zvirinani ndipinde mubako.
Ndakabva ndanoti mvoo musoro mubako muviri wese uchibva watadza kukwana mubako.
Ndichakadaro ndakanzwa bhoki chabata magadziko choita ekutsenga tsenga.
Ndakabva ndaridza mhere kuti nhandi maiweeee!!!
Pandakadaro ndakabva ndapepuka ndakaisa musoro mugate rablaz Pidigori.

Gate rablaz Pidigori vaiva vachangoritenga zuro kwacho nemari yavo yembeva vachiti vaizoda kutangawo kumutsa avo masowe mushure mekutenga zvikwanisiro zvaiva zvasarira zvakaita sembiya.
Tsvimbo vaiti vachafana kusuandisa yavasekuru yavaiva vakapiwa pamavhavhene vakamirira kuenda kuMachingwe kunotema idzo chaidzo dzinodiwa kumasowe.

Blaz Pidi vachironga kusiya zvenyika vambonamata yaiva nhau yekuona sanduko yaiva yava naJonah nekuda kwekunamata.
Saka blaz vaiva vatofunga kutovhura yavo kereke zvekunamata naJonah vaiva vasingadi vachiti handinganamati church yavhurwa nemwana mutoko kwandiri.

Ndiri mugate kudaro ndichirwisa kubudisa musoro ndakanzwa door kuti gwerere ndikaziva kuti ndiblaz vadzoka kubva kusowe kwavaiva vandorara vachitsinyira chiporofita.
Ndakamwiza gate chopu chopu ndichida kuti ribude chopu chopu vazopinda mumba ndarisendeka kwakadaro.
Vakuru vakati rinemunyama rinemamvivi rikadziya moto rinotsva.
Gate riya rakasvotoka mumusoro richinowira kumukova kwaiva naBlaz.
Ndakaona blaz vachikanuka vakatarisa gate ravo ramwandauka.

Nguva isingani blaz vakatanga kundishandira netsvimbo iya yavasekuru.
Ndakarohwa magadziko kuita seachaputika ndichibva ndadozobvapo ndichitiza ndaona kuti ndingaurawa.

Blaz vakambozama kutevera vachibva vaona kuti vaimanyisana nemhepo chaiyo.
Dzaingova zvadzo nharo dzablaz dzakavhengana nekukugumbuka asi vaiziva Ngoroyemoto waisabatika.

Ndakachekerera ndakananga munechimwe chisango ndokuzonobudira pachibhorani.
Ndakanomira pachibhorani paya ndaona kuti hakuchina achatevera.
Ndakamira kudaro panokaruka pasvika Nyembesi achitosunda zvake bhara raiva nemagubhu maviri uku akabereka kamwana kake kumusana.
Ndichiona Nyembesi achisvisvika ndakanzwa kurerukirwa becoz ndaiva neurongwa hwekunomuona sezvo ndaiva ndakakanda maCV erudo ikoko.
Achisvika ndakamanyira pabhara paya ndokuburisa zvigubhu zviya ndokutanga kudhayira mvura zvichibva zvazara, zvekuti ndaiva ndarohwa ndaiva ndatokangamwa nezvazvo.

Ndakadzosera zvigubhu zviya mubhara ndokutanga kutosunda zvangu zvishoma zvishoma ndichitaura zvimwe zvinyaya zvisina basa zvangu.
Pava paya ndakazopinza yangu kuti ndinzwe kuti madhiri akamira sei.

"Nyaya yako ndakainzwa Ngoro asi chimbondipawo nguva yekufunga.
Plus zviya zvawaitaura uya musi kuti unotsvaka wekuda kuroora kana zviriizvo zvawakatarisira kwandiri ndoda kugara ndakuudza chokwadi nekuti ini ndava kuda kudzokera kuchikoro zvekuroorwa izvo ndotozozviona ndapedza chikoro.
Nhamo yandakawoneswa nababa vekamwana aka kusvika ndazosumuka kudzoka kumba kwamai nababa vangu ndiyo inondiita kuti ndione kuti chikoro chakakosha."

"Nyembesi vanhu havafanani, ini nditori murume chaiye anogona kukuchengeta zvose nemwana wako uyu hapana chinombondinetsa."

Ndakadaro ndakamutarisa mumaziso chaimo apa ndaiva ndamisa bhara.
Kondaimuchengeta nei zvaingovawo zvivindi but pachokwadi nhamo yaiva yakandinamatira sechikwekwe.
Ndichitaura naNyembesi ndaiva ndakapeka zihembe rimwe ziover size.
Ndichirisonesa riri ziover size ndaiitira kuti rivhare zvigamba zvisaonekwa.
Raiva zihembe iri rakasonewa nezambiya yemusangano bhurukwa raiva hovhorosi randakadimbura nemuchiuno umu ndichibva ndatora chipenga chekumusoro ndokuchiita bhachi chezasi bhurukwa.

Kumakumbo ndaiva nemajombo andakagura nechemuzasi mawo sareyi oyita sebhutsu...

Ndakaramba ndongotsvetera Nyembesi uya dzikama atozobvuma ndokurangana kuti taizoonana manheru.
Ndakanzwa kurerukirwa zvekuti ndakamboenda pene chimwe chicorner ndokunamata.
Ndichibva ipapo ndakadzika kurayini yekwaGomadho kumbonoita kanjipa kangu.
Ndaida kuti kana ndapedza kanjipa kacho ndigowanawo kapondo kekubva ndakabatira chimoko mabhisvo.

Ndakazovirirwa nezuva ndiriko kwaGomadho ndichiruka mazano nekurukunura.
NYAYA DZERUDO DZAGARA DZINONETSA especially kana uchitanga kupinda madziri sezvandaiva ndaita ini.
Ini hangu kwaisava kutanga kudanana naNyembesi uyu ndaiva ndambodanana naSusan blaz dzikazondirova ten zero.

Pana Susan ndakarwadziwa hama dzangu handidi kunyepa.
Zvakaitika ndezvekudayi.
Ndakavimbiswa gapu naSusan ndichibva ndaona kuti zvinhu zvekudzidzira munzira zvinonetsa.
Kana uchidzidza zvinoda kudzidza pakavhurwa mugwagwa kare kwete kuda kunodzidzira pasina mugwagwa.
Ndini uyo dhuuu kufunga kuti ndoita sei sezvo ndaisada kuti Susan azondishora ndatadza basa.
Tsumo iya yevakuru yakabva yandishanyira yekuti chawawana idya nehama.
Ndakaona zvakakodzera kutuma blaz kunoita magali ekuvhura mugwagwa kuna Susan ini ndozongouya ndokwenenzvera.

Handina kuziva kuti ndapisira, havo blaz varavira havachadi kubvapo chero neni hachatodi nekundiona.
Ndakambozama kupotera kuna Mudhara Mbadayasvunura kuti nditaurireyi nablaz kuti ngavandipewo mukana mudhara uya achibva atondiudza kuti pazirambawaravira hapabviswi munhu, dayi uri umwe fanami watsvaka kumwe.
Ndakashungurudzika kwemazuva ndichizobva ndazosangana naNyembezi.

Zvino ndainzwa kufara ndiripamaricho paya kuti nhasi ndadiwa namhamha nemwana.
Ende zvaitova pachena kuti mugwagwa waiva clean becoz waiva wambobuda nemwana saka zvaitopupura zvoga kuti yaiva highway N1 chaiyo.

Ndakachaisa basa ndichibva ndapiwa dollar rimwe muchembere wacho akati ayizondipa mangwana kana majuru ake atengwa..
Ndakatenda chaizvo ndokupinda munzira ndombodarika nekurwizi ndichizvikupura dikita.
Ndichibva kurwizi ndakatenga mabhisvo emuzvimapakiti aya anodayidzwa nevanhu kuti zvikukururu, vamwe ndevanoti zvikekani.

Ndini hangu ndokwidza nemusvimugwagwa svekwedu.
Ndakatarisa nguva ndikaona dzichiripo zvishoma ndichibva ndatsaukira nekuchikomo chemarinda ndichitaimira kwairara hanga dzemusango kuti pamwe ndingajumanisa imwe ndikawana kunoriminya zvakanaka jenamuponesi.
Ndichinoti pachikomo sanganeyi namudhara Mbadayasvunura achichera chera kamwe kakwenzi.

Ndakamhorosana nemudhara uya ndichibva ndafunga kudarika kuti ndipotere museri mechikomo moyo wangu uchibva wandirambira kuti handingambodariki ndisina kubvunza mudhara uyu kuti kamuti kanorapeyi.
Mudhara uya pandakamubvunza akamboseka ndokuzoti kamuti kedu isu madhara anevakadzi ndekekusimbisa musana.

"Muti uyu mufanami wakasiyana neimwe yese mishonga inocherwa nezvibinge.
Imwe mishonga inocherwa munhu asina kupfeka, imwe wakafongorera rutiva rwemadokero imwe wakarara nedumbu.
Zvino uyu kungochera mufanami wakasununguka.
Mashandisirwo acho unotoshandisa panguva yaunonoonana nemudzimai wako.
Unongotora kamudzi wototsenga uchipinda mumba uchawonazvee zvinoitika....."

Wakapedzisira kutaura achiseka Mbadayasvunura ini ndokutoratidza kutsamwa tsamwa nhema ndichivhara ma1.

"Mudhara mava kutidadira zvee isu tisina vakadzi.
Bvaa regayi ndikusiyeyi muchiita basa renyu kuti mugonofara zvakanaka."

Ndakadaro ndichitobva pavari ndakafundumwara nhema ini nechemumoyo ndichiti itisa ubve mudhara ndizochera wanguwo mushonga.

Ndichifamba kudaro ndakanzwa dhara rava kutonditsemura nemunemo pamusoro penyaya iya yekutorerwa Susan nablaz.

Ndakabva ndangopopota popota ndichipotera chikomo chiya ndichimuti chero newewo mudhara uchatorerwawo wako mukadzi.
Nechemumoyo ndaingoti mudhara haazivi kuti ndadiwa namhamha nemwana.

Ndakanotenderera zvishoma ndokudzoka panzvimbo iya ndokuwana mudhara atorova pasi ndichibva ndatocherawo wangu mushonga.
Ndichipedza kuchera ndakabva ndatokwidza kumarayini ndokunosvika kumba kwatosviba.
Ndakaita zvekusvika pamba ndichinyangira ndotya yandaiva ndapara yamakuseni.
Blaz vaifamba vakaruma katsumo kavo kavaifarira kekuti mhosva hairovi.
Waiti ukatadzirana nablaz nyaya yacho chero ukayiripa yaisambonzi yapera kuti dhuu.
Vaiva nekasitayera kemaporisa kaya kekuti vakaona kuti munhu haana mhosva havambomududziri kuti hauna mhosva vanongokuti chidzokera kumusha kwako kana tokuda tichazokudayidza.
Ndakati nyahwa nyahwa ndokunoti muberevere remba yekubikira kwati ndichida kunzwa kana bla Pidigori varimo.

Ndakaita kanguva ndirimo ndakateerera vaitaura mumba ndipo pandakanzwa ndiro dzogwenderedzwa kuratidza kuti ropakurwa.
Ndakanzwa muchembere ava kuti kuna sisi vaipakura ingosiira Ngoroyemoto wega Pidigori waenda kumitsanyo yake wati unozozviona mangwana.
Ndichinzwa izvozvo ndakabva ndatosvetukira mumba ndokunogarawo muvamwe ndakadongorera marinopakurwa.

Vanhu vakadya tichibva tapedza ndokuzoparadzana tava kuenda kunorara.
Ndakasvika mugota mangu ndikamboti tsenha ndakamirira kuti rayini rimbonyarara ndigowana kufamba zvakanaka.
Nyaya dzemadhiri hadzidi kuitwa zvidhakwa zvichafamba, dzinongodawo kuma12 to 1 ikoko varoyi vofamba.
Varoyi havana problem because vane hana havangotauri zvose zvose nezvisineyi navo.
Kana muchida kuona kuti zvandinotaura ichokwadi kiti muroyi ane hana mutarise pavanorohwa vachirohwerwa kuroya havambofi vakabvuma kuti ndoroya.

Hamenowo nguva dzoenda kuma11 hope dzakandiba seyi ndichizobva ndamuka huku dzichikuma hameno kuti dzaiva dzava nguvayi.
Ndakamuka ndokutsidza kuti chero nguva dzadyana gwendo hwangu hagutadzi.
Ndini uyo ndakamuka ndiye tsvanzva tsvanzva zvijombo zvangu ndiye pfee mumakumbo.
Mumusoro ndaiva ndakarova kakepesi kemusangano kaiva kakan'urun'uzhiwa panhongonya nemakonzo zvamunoona murombo haarovi chinenguwo.
Ndakatora sikavha yandakabira sabhuku ndokuyiti tsvee mumutsiba umu.
Ndakabva ndakweva svidoor svangu zvaiti kana svichivhurika svinoita kanoise uku svichirema kuvhura kwacho nekuda kwekufamba svakakweserera pasi.
Waiti kana uchisvivhura mberi kwasvo svinenge svichisunda gomo revhu.
Wainzwa svichiti kweeee svichivhurika.
Ndakabuda ndakananga kugedhe.
Ndichinoti pagedhe ndakanzwa kamutsindo kakacrosser nemberi kwegedhe achienda kuzasi kwana Nyembesi kwandaidzikawo.
Ndakangoti hameno pamwe imbongoro inomanya.
Ndakabuda ndokudzika nenzira dzimara ndasvika kwana Nyembesi.
Nguva idzi machongwe ayiva ochikuma zvisina zororo, ini ndipo pandaitosvika padoor raNyembesi ndichitsenga kamushonga kaya.
Kondaitadza nei kukatsenga iko kainzi kanotsengwa munhu ava kupinda mumba.
Ndakatoita kukanda midzi yacho yakatoti wandeyi mumuromo.
Ndakarova knock yepasi pasi uku ndichidayidzira nezeve zeve kuti Nyembesi.
Ndiripakati pekuknocker ndakanzwa mafoot steps achiuya kuzozarura door.
Panguva iyi mubhurukwa mangu maiva mava kutaura.
Ndakatomirira kupinda ndakanzwa door richinzi gwerere kuvhurwa ndichinodayi waneyi mudhara wacho ayiva akabata bhemba.
Pfungwa dzangu ipapo dzakatanga kudzokedzana kuti ndapasanisa imba paneyandarayirwa saka chokumirira hapana.
Ndakasvetuka ndichibva ndambosvipingiridza nezvimajombo ndokudonha, handina kugarisa pasi ndisina kumuka.
Ndakamuka ndichida kucheka imwe speed ndakananga kugedhe ndokuwanika kuti kugedhe ndiko kwaibva nekambwa kavo bhoki.
Ndakashozhonoka ndonanga nerumwe rutivi but ndaingoziva kuti kwaibudika kugedhe kumwe kose wire yacho yaiva yakareba yaisambosvetukika.
Zvino bhoki chaiva chakandigara bumper uku dhara racho richingokuza sviso svii bata bata.
Bhoki mukukuzirirwa chakabva chatomera zenze zvekuti nenguva doko chaiva chatokwatanura chigamba changu mupata weJeriko wofefeterwa nemhepo.
Ndichimanyiswa kudaro ndakanzwawo hazvadzi dzaNyembesi dzoratidza kuti dzaiva dzatomukawo.
Pahazvanzi idzi paiva neimwe yainzi Jambanja.
Jambanja wairova zvekupinda blaz Pidigori.
Varume vakandiita garira noko ndichindeyeswa nemusha.
Zvino kunze kwaiva koenda kuchichena utunga hwatsukisa rutivi rwemabvazuva kuratidza kuti zuva rinouya kusiri kare.
Ini nguva idzi ndaiva ndazvipira kuchinobuda nekuchigedhe kunyange baba Nyembesi vaibva nerutivi irworwo rwekugedhe vakabata tsvimbo.
Ndakaisumudza imwe speed Jambanja richifemera kumagotsi kwangu ndakananga baba Nyembesi ndokusvika ndichinovati nzvee zvishoma ndokunanga kugedhe.
Dhara rakaipotsera tsvimbo ichibva yandipotsa ichinorova chigedhe chichivhurika ndichibva ndati mudzimu haupi kaviri ndikanonokera chinovharwa nemweya yetsvina.

Ndakamanya ndakananga pakasango kaiva pedyo nepamba apa ndokusviko kuzviwisira mumashizha munerimwe denhere ndichibva ndazvivhara nemurakwani.
Kunyange zvazvo umwe muviri wakabvuma kufunigirwa nemurakwani juluja stick yakarambisisa zvachose nekuda kwekugumbuka kwayaiva yaita.
Zvigotiwo zipi yacho yaiva yaruza saka ndaizama kuti mukomana ndimudzosere mukati wairamba akaomesa musoro achisheedzera kuti ndoda kuona anokutandanisa.
Muromo waiva waita mapapu kuzvimba nekuda kwekudona kwandaiva namboita ndikazviruma ndiwo umwe wairamba kupinda muhwakwani.
Saka nhamo yangu yaiva yezvinhu zviviri zvairamba kuvanzwa nemurakwani.

Ndiri mumashizha muya ndaingononzwa mitsindo yevarume vachingonomanya manya nekasango.
Pakatora nguva mitsindo iya ichingomanya manya ndipo pandakazonzwa mudhara wacho ava kuti vakomana ngatidzokereyi munhu uya waenda.
Ndakanzwa mitsindo iya yava kudzoka ichidarika nepadenhere randaiva ndakavanda ndiri mumurakwani.
Ndakavanda kudaro ndakanzwa Jambanja rava kuti tarirayi howa iho.

"Mudhara ini nemamanyiro andaita handingamboindi kumba ndichisiya howa ihwo, ende ritori jekera.
Ndatowana usavi hwekudyisa chimunya changu."

Rakadaro Jambanja richiridza tsoka richitukutira mugwenzi randaiveri ndichibva ndaziva kuti hapana howa hwaonekwa kunze kwemuromo wangu.
Ndakambofunga kubuda mumurakwani ndichibva ndazvipa zvivindi ndokuramba ndakaleza ndirimo.

"Jekera iri mudhara rotoratidza kuti ririsimati chaiko riri kutopenya."

"Tododya tose Jambanja nhasi.
Zvemunya izvi ndeimwe nyaya, kana watoti jekera iro rakanaka kutonobikisa chibvuwere."

Ndakarinzwa richidaro dhara racho ndiripasi pehwakwani.
Dhara racho richangopedza kutaura ndakanzwa muromo wanzi dzviii
Ndikanzwa dhara racho richitiiiiiii.....

Muriseyi hama dzinodiwa weee

For more information call +263712691681

08/11/2021

Surname BHEBHE

FIRST NAME OWEN

DATE OF BIRTH 15/09/ 1985

VILLAGE OF ORIGIN DEKU

PLACE OF BIRTH MBERENGWA

DATE OF ISSSUE 05/06 / 2018

Follow this link to join my WhatsApp group:
28/09/2021

Follow this link to join my WhatsApp group:

WhatsApp Group Invite

31/08/2021

DUNGWE REVAROYI

SEASON 3

CHAPTER 18

STORY BY

NAISON CHIPFUMHI

📲+26371291681

☠️🐉🦉

Gogo N'ee vanenge vakatasva Gwese vakaita kakusumudzira chiuno mudenga svoo.
Apa vanenge vakabata tambo yaiva yakasunga iro Gwese musoro ichiuya ichicrosser nepamuromo.
Tambo iyi vanenge vakaibatira kuti Gwese kana romanya vasadonha.
Gogo N'ee vanobva vadayidza Mutserendende kuti vachikere shure kwavo chigofamba chiriicho chimusecurity chavo.
Izvi vaizviitira kuti mberi kwavaienda kunogona kunonetsa.
Nhau yaityiwa nagogo N'ee yaiva yekurwa.
Nguva zhinji pavaisangana kurufu vachinofukunyura zvitunha kwairwiwa vachirwirana nyama.
Kwaiva nerimwe zijembere rakara raipenga rainzi mbuya Zungura.
Mbuya zungura raibva kumakomo imomo muSovhelele.
Zijembere iri nguva dzaro zhinjk ndiro raiwanza kutanga musindo rava kutora nyama yakawanda.

"Mutserendende kwatinoenda uko wotonomira semurume, tiri kuenda kwakaitika rufu kuya saka nyama inotonowanikwa zvembabvu.
Handidi kuti usvike woita samainini uko.
Ndoda kuti usvike womira mira uko kana mukana wekuba nyama uripo utoba."

"Ikoko kuba ndiko kubasha manonoka mataula itoshumujayi bele ledu tiende."

"Ipapo pakushaya muromo Mutserendende ndipo patinokonana.
Ungati bere kumurume wangu.
Itotasva zvakanaka kwete kugara wakati zhototo magadziko unondivhunira murume wangu chivuno akazotadza kunasin'a."

"Kupiko hamugoni kulalama nevamwe vunopwela muchipa baneGweshe munyati muchitaja kupa Makwande chinongotambula."

"Gwese ndiyanizve?"

"Ili hamulizhivi hele ndiGweshe lekuMushume ukk ndolizhiva zhee.
Lakambondikachija nemamushonga alo zhino nhashi tashangana.
Ndipeyi shebhu yekuchaila ndoda kufamba ndichililova zheve."

"Putseke!!!
Rega ndizvichairire murume wangu."

Vakadaro gogo N'ee ndokurova Gwese magadziko nesvebhu richibva rapfumbudza huruva rakananguswa kumukamba kuya uku richivhuvhurudza zibhachi raro pasi.
Mutserendende chainzwikwa kuridza kamuridzo kekunakirwa nekupfichurwa pfichurwa chiripo uku chakabatira vuzamu hwagogo N'ee hwaita fanika masekesa kana mapatapata.

Gogo N'ee vanobva varova rova dumbu raMutserendende negokora uku vachipopota.

"Iwe, iwe haunzwi kuti unondirwadzisa here?, matira muchiuno umu kwete kudhonzwa dhonza kwaunoita munyatso yangu kandi wakaita seiko iwe."

Chinobva charegedza Mutserendende ndokubata pitikoti yagogo N'ee chakaita kakupekura svoo uku magadziko agogo aripanze.
Nguva isingani gogo N'ee vanosvikawo pamukamba paiva pakaungana vamwe.
Vanowana shamwari yavo mbuya Chengeto vasiyavo ravo bere vachiti rinorwara.
Vaitotaura zvekuti vaidawo kukerwa nagogo N'ee voita vatatu pamusana waGwese.
Gogo N'ee vanobva vajamuka pachizobva pazonzi neimwe chembere munotambura chekutasva pasabhuku pauya svimwe svirume svinozviita muporisa vangirayi munosvihaka muwane chifambiso.

Mbuya Chengeto vanobva vamanyira pasabhuku.
Nguva isingani vanodzoka vakatasva svimwe svimurume svaiva svava nemazuva maviri svauya munzvimbo svichizviti svimublack bhutsu.

Mutserendende chichiona mbuya Chengeto vachisvika chakabva chakuvara nekuseka.

"Mamuwanepi Ngoloyemoto,? Nhashi mushume yoshe ilimuno.
Ishi shinonji Ngoloyemoto mwana waJandeya, vali mulaini limwe naKun'en'a."

Chakadaro Mutserendende chakatarisa Ngoroyemoto isvo svaiva svakapfeka hat yeZCC neuniform yacho.
Varoyi vakatasva mapere nevanhu ndokukwidza vakananga kumakomo.
Musi uyu mbuya Chengeto vaiva vakatora chitanda chenumber 1 because svimunhu svavaiva vakatasva svaimanya zvekusiya vaiva vakatasva mapere.

Varoyi vakanosvika kumakomo vakawana mbuya Zungura vatofukunura kare chitunha nechikwata chavo cavanofamba nacho.
Vakatosvikirana nekuvhiyiwa kwemunhu.
Chikwata chagogo N'ee chakasvika chikwakwazisa vamwe semazuva ose ndokuwanikwa kuti team rambuya Zungura raisada zvekutaura nemunhu.

"Manje kana mukanyarara muchifunga kuti tingaramwa tikasiya nyama yakakora yakaita kuchena nemafuta munonyepa.
Mbuya chengeto mudisa rako riya banga rinonyatso cheka titange kurangura nyama tichiisa mumasanga."

Vakadaro gogo N'ee vachitosunungura maempty saga ayiva akasungirirwapamusana waGwese achipotera nepasi pedumbu.
Gogo N'ee vanototanga nekunorangura chidya icho chaiva chisati chambovhiyiwa.
Vanongochidimbura nedehwe racho ndokupotsera musaga chiso chakasungwa semubhurakwacha anorapiwa njovhera.
Rinombomira kuvhiya mbuya Zungura rakararisa gogo N'ee neziso raipupura rufu rukuru kuna gogo N'ee.

"Ini musatombonditarisa sekuti munechimwe chinhu chamungandiita.
Nhasi kana muchida kuenda kumba kwenyu ndakuchekayi nasin'eni mutsayi musindo muone.
Ini zvekumbojairirwa ndizvo zvandisingadi."

Ava ndimbuya vaN'ee vairatidza kuti kana kuchitourayamwa ngatiurayaneyi.
Chishavi chagogo vaN'ee chekurwa zvemusi uyu chaiva chakasvika.
Gogo N'ee vaitozikamwa kuti kana vagara vatoutangidza musindo wacho umwe waitochekwa sikarudzi nebanga vusiku uhoho.

Vakanetsana vanhu kusvika mbuya Zungura vatozochekwa mavanga maviri rimwe panosangana magadziko rimwe kusikarudzi naivo gogo N'ee.
Mushure mechiitiko ichi gogo N'ee nechikwata chavo vanobva vabudirira kutora nyama yose.
Team yaMbuya Zungura yakasiirwa musoro waiva wakabvisiwa rurimi.

Gwese rakayakudzwa masaga maviri enyama kuchinzi ndiro ziguru harinzwi kurema.
Rakabva rakaita kubhenda musana Gwese nekuremerwa.
Nyama yakazogovamwa gogo N'ee ndokutora yakawanda sezvo vaiva ivo mukuru.
Ngoroyemoto svinobva svadzoserwa kwasabhuku kwasvakatorwa iri Gwese ndokudzoserwawo mumba.

Gogo N'ee vakazopinda mumagumbeze naGwese nguva dzatova kuma4 koyedza.
Gwese parinodzoserwa mumagumbeze rinobva rati vate vate ndokupepuka kunze kotochena.
Rume rinozvishovora zvikuru nemuvatiro uyu kuti waenda kuchimoko wobva warara sewakafa.
Ende zvakaitika musi uyu kwariri zvakariitira zvitsva.
Raiti rikaenda kumusha kwemunhukadzi rinomukira bonde rushanu rushanu vusiku asi zvemusi uyu rakakanda mapfumo pasi.
Apa nguva yose yaraishandisiwa rakatasviwa raitorota riri pamuchato nyama iri mavhu nemarara, ndokuzorota vanhu vava kurwirana nyama iro ndokuzorota vamwe vatorerwa mabhodho enyama iro ndokusengeswa mamwe mabhodho maviri enyama.
Hope dziya dzinoenderera mberi rava kufamba rakasenga mabhodho enyama riri mberi kwemashefu aro.
Vanoti vati fambeyi vava nemutunhu ndipo parakarota mashefu ava kuti gadzika nyama pasi tigovane nyama yedu.
Gwese rinorota nyama iya yagovamwa but iro raiva rabva rakasenga rakainyimwa.

Gwese rakamuka richibva ramutsa mudiwa waro ndokumutaurira hope gogo N'ee vachibva vangoti hope idzi dzinoreva kuti murayini menyu muchaita muchato vanhu vagorwira nyama.

Gwese rinobva ragutsikana nemarondedzerero agogo izvo kwani gogo N'ee vaitoziva kuti zibuka riya rakarota hope dziripedyo nechokwadi chatakarishandisa madeko.
Gogo N'ee vanobva vaziva pavakaresva.
Semunhu akabuda wongomanya manya nekuda kwepito yaiva yadanidzira vakazokanganwa kudonhedzera Gwese mvura yakageza zvitunha mumhino kuti risamborota kana chinhu.

Vanombozoita zvinyaya nyaya zvekuvaraidzana pamwe Gwese richikoka masimba nekumutsa engine.
Pasina nguva mutsvimbo wegear box unenge woratidza kuti zvinhu zvose zvava mucondition.
Apa mazivoko aro Gwese anenge akabata vuzamu hwagogo N'ee hwaiita fanika makavi.

Gwese zvarakawona kuti engine yapika rakada kusumuka ndokunzwa musana uchiramba chaiko uku uchiita kubanda.
Semurume rakabva rangovindisa kuti risashorwa asi zvichiramba.
Richipedza rinobva rabudisa chigaba muhomwe yebhachi ndikuzvomora rimwe pirisi ndokumwa.

"Ndeeyiko mapirisi awa baba?"

Vanobvunza gogaz mushure mukunge vaona Gwese richiborongera.

"Ndiwo chaiwo maoriginal achoka ekuchengetedza utano."

"Taurayi nyaya yenyu zvakanaka naka zvimwe ndingamafarirawo tikamwa tose.
Haasi mahapatitosi ekusimbisa tibve tamwa tose here.
Ini muviri mutete handimbomudi zvachose ndotoda kuvawo mutsikapanotinhira saka ndikawana mahapatitosi ndogona kusimba."

"Awa ndeemuchirongwa awa muchembere...."

Gogo N'ee vachinzwa izvi vanobva vadonha ndokufenda.
Vanomuka zuva ratokwira uku vachibongomora mhere sejon'osi radzipwa nechitirobho.

"Ayiwa hwisisa chirongwa chacho mhamha, chirongwa chandinoreva nechekuenda kuChina nendega kunoronga kuti kuti tizovaka dhamu murwizi muna Mwenezi.
Saka hanzi ndega ukaikwira usati wamboikwira unoita mudumbu.
Mapiritsi awa atakapiwa ndeyekusimbisa mudumbu kuti kana ndozokwira ndega ndisaita manyoka."

Rinodaro Gwese richivhara gogo N'ee.
Gogaz vanobva vanyarara vanzwa kuti nyaya vanga vaibata nepasipo.
Gwese rinozobvuwirwa chimutsa nedak...
Nevusavi hwejongwe.
Rinodya dhara uku richigaya kudzokera kun'anga yaro nedambudziko remusana uyo waiva waribata zvinesimba.
Mushure mekudya Gwese rinobva raudza gogo N'ee nezvekudzokera kun'anga.
Gogo vanobva vatsika madziro votya kuti nhau yavaiva vatamba yaigona kunovhenekwa negodobori.

"Musazvinetsa zvenyu nekudzokera kwagodobori pano utoripo mushonga wemusana.
Regayi ndigokukwizayi nevhimbela kana rabhu rabhu irimo.
Gwese rinobva ratsika madziro because pain yacho rainzwa kuti haidi zvimushonga zvemanga manga.
Vanoita nguva vachinetsana Gwese richibva razobvuma kusaenda.

Mushure mekanguva Gwese rinobva rangoti sveverere ndokunanga kwagodobori.
Richisvika kwagodobori rinobva ratanga nekutaura hope dzaro.
Godobori Mutungagore kududziro dzehope ndipo paiva nemashavi ake.
Wakabva adudzira sezvazviri Gwese ndokumira rakabatira muchiuno.

"Ndizvozvo baba makabva makaloader ½ tone yenyama uku chidhoma chakatasva futi.
Muchienda kunosengeswa nyama makaenda makaloader futi mukadzoka makaloader saka makashandiswa basa rinirwadza madeko.
Musana haisi nyaya tora svimudzi isvo utsenge umwe ndichakudziisira mvura ndokutova nawo."

"Vasekuru ndichingobva pano zvokwadi muchamunzwa mukurumbira mumapurazi umo ndichikwamidza vanhu.
Ini handiitirwi izvozvo ini."

Rakapopota Gwese ndokuzonyarara rotsenga svimushonga.
But richitsenga waingonzwa kuridza tsamwa.

Mushure mekurapwa kwaGwese rakatozoshinga kufamba chihuvakuva kuenda kumba kwaro usiku ratogayira gogo N'ee neshamwari dzavo pakuru.
Mutungagore akambozama kurinyengerera kuti rivate but rakaramba ronzwa kunonokerwa nekuranga nhubu.

"Ndingashungurudziwa kusvika pakusengeswa overload yenyama nevanhu.
Ayiwa ndoda kuvaratidza kuti ini ndonzi ani.
Munhu anetunhu twake ndoswera tambudzwa sekuti ndirimurombo.
Fakisesi bhasvopu kupurazi uko ndouyako kusikare huchava umwerere mwerere.
Handisarudzi wekurumisa wabatwandiyeye ndoziva kuti mukubhondera ipapo handishayi mamwe vevaroyi vakandishandisavacharumwa.

Bhasvopu ndouuyako."

Rakapedzisira kutaura rakatendeka rutivi rweSovhelele netsvimbo.
Rinotsvobida rakananga kumba kwaro.
Vusiku ihoho rinoita rombo rakanaka rokurova z**i netsvimbo rakamhara papole refoni landline.
Rinotora z**i rovhonyera muhomwe yebhachi.
Kunze kunosara kuchena Gwese ratova pamusha paro.
Dhara rinoswera rivete zuva rose sezvo raiva nehope dzeusiku hwese.
Rinomuka zuva rorereka ndokugeza, after kugeza rinombondeya ndeya nechivanze richibva rambobatwa nepfungwa yekunoda kumboenda kwaGringo kunoconnector Bluetooth yemubobobo ndokubva razokanzura.

"KwaGringo ndozokuona ndadzoka, rega nditange ndapedza neyeSovhelele."

Gwese mubobobo waraishandisa waiva wemakasi.
Raiti rabva kunoboba munhu waiva usingaridyi makasi, especially kana rabva mukuboba munhu achangoroorwa.
Kunze kuchisviba Gwese rinotora keji yaro ndokusungirira pamusoro perimwe dongi ndokutora Chekuchera ndokubayirira imomo.
Rinobva rasunganidza rimwe dongi ipapo.
Madonkey anosunganidzwa arimaviri ndokutasva rimwe ndokuasumudza akananga Sovhelele...........

Hallo, hallo

Address

MBERENGWA
Mberengwa

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when NnnnnnNaisonchipfumhi posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share

Category