Favour shall rain

Directions

Favour shall rain Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Favour shall rain, Shopping & retail, Johannesburg.

Are u tied of seating at home here is a busines opportunity  for u.its free to join .
27/08/2024

Are u tied of seating at home here is a busines opportunity for u.its free to join .

*AKUBAYIRA ZANI NDEWAKO* 🧎‍♂️🫵🙏 It's only those with empty stomach who knows the important of food. Ndevaya vasina kuroo...
31/05/2024

*AKUBAYIRA ZANI NDEWAKO* 🧎‍♂️🫵🙏

It's only those with empty stomach who knows the important of food. Ndevaya vasina kuroorwa chete vanoziva kukosha kwevarume.

Inherera yega inoziva marwadzo okushaya mubereki. There are so many things that we take for granted in this life. Zvoita sekunge iright yedu kuva nazvo.

Dai waiziva kudhura kwemweya womuchipatara chokwadi waisadadira wemahara waMwari wakangozara pese pese.

Munhu ari pa wheelchair ndiye chete anoziva kukosha kwegumbo raanotoshuva kuti dai ndine makumbo Mwari ndaimutambira kusvika mai vapopota asi rako nderekufambira kupesanisa kunoita makuhwa,pfambi nehumhondi nezvisina maturo..

Bvunzai isu tisina kana kumbotengerwa socks zvaro nababa tinokutsanangurirai kurwadza kwazvo. Bvunzai isu tairara nenzara nekuda kwekushaya tinokurondedzerai kunaka kwaJehovha.

Bvunzai vasina kumboona chiso chaamai kana baba vakuudzei kudzama kwemarwadzo acho. Zvinoita sezviri nyore kunge zvinojairika kana usiri mazviri.

Let me tell you hama inyasha kuve nemubereki ,inyasha kuve neutano ,inyasha kurarama,haisi kodzero yenyika kuva nemhuri, vana, mudzimai kana murume dzingori nyasha dzaMwari kwete kugona kana simba rako.

Bvunza asina mwana akuudze kuti mwana haisi choice but grace and favour. Vamwe motosvotora mimba kurasa vana kana kufuratira vana. Bvunza ane cancer kana bp and hiv akuudze kuti kuve mutano zvinorevei and unobva waziva kuti utano hakusi kuva ne specialist doctor asi kuti inyasha dzeMusharukwa...
Tisu nekufunga kwedu tinozoona kukosha kwechinhu chisisipo.

Vadadirei chaizvo vabereki uchiita 10years kuJoza uchidya lifa ivo vachiswerera chakata nemagwavha kuita senge wakasvinwa pamota. Mushungurudze murume iyeye too bad nokuti nyika nokuzara kwayo ndeyako unoroorwa kasingagume.

Siya vakadaro vana ivavo vanozvikurira sesora iwe nakirwa nehupenyu. Murove mudzimai iyeye aende ko vanopera here vamwe varikutodawo kuuya!
Oh! Ko irwo ruponeso rwatinodadira as if takachekesa makey kudenga? Paicharira hwamanda ndipo pauchaona kuti zvamahara zvinodhura..

Shaina stereki uchiita mbiri yekutuka pasocial media nekuita maghost account ekuitisa mabasa ekutuka kunge ndiwe muridzi wenguva..

One day uchakohwa..Time will come Mwari haasi shamwari or sahwira wako...one day unokohwa hako shamwari coz nguva haisi yedu...Zivai nguva hama dzangu..

👏👏 Zivai nguva,nguva haisi yedu
Akaimba akati kudadirana pasi pano kupedza nguva⏰

31/05/2024

Vaefeso 6

10Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru. 11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori. 12 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. 13 Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire. 14 Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, 15 uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. 16 Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. 17 Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari. 18 Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
19 Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi, 20 iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.

Are struggling to find butter. For baking etc kindly inbox can be ur supplier
18/10/2022

Are struggling to find butter. For baking etc kindly inbox can be ur supplier

Address

Johannesburg

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Favour shall rain posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Shortcuts

Share