Ernie's Books and Series

Ernie's Books and Series Ernest Mangani is a Zimbabwean author whose real life stories takes reader through emotional trails of the oppressed’s quest for victory

27/05/2026

My readers how are you?

26/05/2026

SHAISANO

STORY BY ERNEST MANGANI

EDITED BY ARTHUR MUDEHWE

Contact +263785314968

CHITSAUKO 36

Mangwanani akatevera akabuda nechiedza chitsva, uye tariro yeupenyu hutsva asi kune vamwe zvaisareva rugare uye chaisavawo nezororo. Kwaiva kutanga kweimwe hondo itsva, hondo yemweya, hondo yenyama nepfungwa.

Muchipatara, mhepo yakanga yadzikama, kwave nerunyararo rwakadzama kupfuura zuva rakanga rapfuura. Ruzha rwemichina rwakanga rwava rushoma, uye chiso chaMartin chakanga chava kuratidza upenyu uye aipora zvishoma nezvishoma.

Vimbiso akanga akagara pedyo naye, maziso ake akazara netariro itsva. Ainge abata ruoko rwaMartin, iye zvino rwakanga rwava kudziyawo zvishoma kuratidza upenyu.

“Uri kunzwa sei mudiwa wangu?” akabvunza zvinyoronyoro akatarisa Martin kumeso.

Martin akamutarisawo, akafema zvishoma ndokuti, “Ndiri nani… asi handisi kungonzwa muviri chete… pane chimwe chinhu chachinja mandiri. Ndiri kunzwa sokunge mumwe munhu.”

Sharai, ainge achangopinda achibva kunotora chikafu, akaseka zvishoma ndokuti, “Chii chachinja zvakare mukoma? Muri kuita sekunge madzoka kubva kune imwe nyika.”

Martin akanyarara kwekanguva, maziso ake akatarisa mudenga sekunge aiona chimwe chinhu chisiri kuoneka nevamwe. Akashingirira kutaura mumarwadzo achiti, “Ndakaona zvinhu… zvinhu zvisingatauriki nyore. Asi pane chinhu chimwe chandava nechokwadi nacho…” Akambomira kutaura ndokutarisa Vimbiso zvakasimba. Akaenderera achiti, “Pane vanhu vari kuda kundiuraya. Cvanhu vekuziva, vari kuda kuita Shaisano.”

Makamboita runyararo ipapo. Sharai akabva ati, “Taitozvifungirawo asi iyezvino tava nechokwadi. Mubvunzo ndewekuti ndiani manje?”

Vimbiso akabata muromo wake, zvinyoronyoro akabva ati, “Asi nemhaka yei? Takanganisa ani isusu?”

Martin akafemera pamusoro zvishoma, “Handisati ndaziva zvese asi ndinonzwa kuti hondo iyi haisi kungova yenyama neropa chete asi yemweya. Vatitadza kumweya asi vachauya panyama.”

Kune rimwe divi, kumba kwaVaGoredema, pakanga pasisina kudzikama sezvazvaive zuro apfuura vachangobva kumukadzi wemanjuzu. Vaifamba-famba mumba sekatsi yakavharirwa inotsvaka pekubuda napo.

“Zvinorevei izvi?!” vakadanidzira vachirova tafura.

“Martin anofanira kunge akafa kare!” Vakadanira zvekare.

Mai Monalisa vakanga vakagara vakanyarara, asi kumeso kwavo kwairatidza kusagadzikana.
“Zvirokwazvo pane chinhu chiri kutadzisa zvinhu kufamba sezvataitarisira. Mukadzi uya akatirasisawo asi akanga ambobudirira wani.” vakazodaro mushure mechinguva.

VaGoredema vakamira, maziso avo azara nehasha, muromo uchiita kudedera. Vakabva vati, “Then we do it ourselves.”

“Munorevei?” vakabvunza Mai Monalisa vachisimudza musoro ndokutaisa murume wavo.

“Ndiri kureva kuti kana masimba erima ari kutadza tinofanira kushandisa maoko edu. Our physical strength and strategies.” Vakadaro VaGoredema vakaita kusunga chiso.

Mumba makamboita runyararo zvakare. Kwaingonzwika kufema bedzi. Mai Monalisa vakagadzirisa inzwi ravo ndokuti, “Munoda… kumuuraya mega?” Vakabvunza vachidedera zvishoma.

VaGoredema vakanyemwerera zvisina kuenda kure ndokuti, “Pane nguva apo munhu anofanira kuita zvaanotya ndiko kuti zvifambe. Kana tikasaita izvi, murume anonzi Mhere uyu achatipedza, achatitangira. Hatiziviwo zvaari kuronga nemwana wake.”

Mukadzi akagutsurira musoro ndokuti, “Ndizvo hazvo asi matoshinga here kusvika kwose ikoko nhai baba Monalisa?”

“Yes, ndatoshinga inini. Mhere betrayed me so handimbotye kumurwadzisa. Call Scorpion auye kuno izvozvi,” vakadaro nenzwi raive rizere ukasha.

Mukadzi akangoita kunzwa nekuita ndokufonera Scorpion uyo akavimbisa kuti aizouya munguva pfupi yaitevera.

Apostle Chivasa vakauya zvakare kuzoshanyira Martin. Panguva iyi vakanga vari vega. Vakagara padivi pemubhedha, ndokutarisa Martin zvinyoronyoro.
“Mwanangu, zvawakapona izvi hazvisi zvishoma. Wakaipa akanga achitoda kukuparadza. Tinotenda Mwari kuti vakadavira minamatonyose yakaitwa. Asi pane zvandiri kuda kuti unzwisise…” Vakadaro. Vakaswedera pedyo, izwi ravo rakadzikira ndokuti, “Hondo yawakapinda haisi diki uye vanhu vari kukurwisa ava havasi kungotamba.”

Martin akatarisa Apostle zvakasimba ndokuti, “Ndinoziva Baba. Ndakazvionawo.”

Apostle vakasimudza maziso zvishoma ndokuti, “Wakaona chii?”

Martin akafema zvishoma seanotura befu ndokuti, “Rima… uye chiedza. Rima raida kunditora, asi chiedza chakandidaidza, chakandirwira parufu. Uye ndakanzwawo izwi rakandiudza kuti nguva yangu haisati yakwana.”

Apostle vakanyarara kwekanguva, maziso avo akazara nekufunga. Vakabva vati, “Zvinoreva kuti une basa guru richiri pamberi pako mwanangu. Kuti ubudirire, unofanira kusimba pamweya kupfuurikidza nekunamata uye kutsanya, kukura pakumuziva iye Jesu kupfuurikidza nekuverenga Shoko dzvene.”

Vimbiso akapindirawo achiti, “Tichaita kuti zvidaro baba asi pakaoma patimire baba. Toita sei kuti tikunde? Tiri kutya…”

Apostle vakabata maoko avo vese vaviri ndokuti, “Musatya vanangu asi rambai makashinga. Munamato ngausava wekushungurudzika chete, asi uve wekutenda Mwari nekuvapa rumbidzo. Fasting ichange ichidikanwawo, ndinemi nguva dzose. Vimbiso mwanangu batsira mumwe wako, l know you are a strong woman of God.”

Sharai akabva ati, “This means tiri kupinda muhondo chaiyo manje? Ndichange ndinemi guys handikusiyei, you mean a lot to me. I will enjoy learning kunamata Mwari ndichibatsirana nemi.”

Apostle vakatarisa kwaari zvakasimba, “Kwete kupinda muri mukati mayo kare. Ndafarira hunhu hwake nerudo rwako mwanangu. Mwari vakuitirewo zvose zvaunoshuwira.”
Apostle vakasiya vanamata ndokubatana naSharai uyo aienda mudhorobha vachisiya Martin naVimbiso vari vaviri.

Ave madekwani apo rima rakanga radzika muguta. Migwagwa yakanga yanyarara, asi mune imwe mota yakanga yakamira pedyo nechipatara, pakanga paine varume vaviri vakanga vakapfeka zvitema. Mukati memota, VaGoredema vakanga vakagara kumberi, maziso avo akatarisa pachipatara.

“Tonight we are going to finish him,” vakadaro vachinyemwerera zvine utsinye mukati. Pamberi pavo vaitoona Martin chave chando.

Mumwe murume akanga akagara padivi pavo akabvunza achiti, “Ko security?”

VaGoredema vakaseka zvishoma, “Everything is taken care of baba, don’t worry.”

Vakabva vaburitsa chinhu chakanga chakavanzwa, icho chakazooneka kuti yaive pfuti.
“Martin haabudi ari mupenyu muchipatara. tomorrow kwaMhere kunenge kune rufu.” vakadaro vachiisa mabara mupfuti yavo.

Mukati mechipatara, Martin akanga akarara, asi hope dzake dzakanga dzisina rugare. Akatanga kuona zvakare rima richiuya kaari. Asi panguva iyi, akanzwa izwi zvakare rakasimba kupfuura rekare richiti, “Simuka. Usavata. Ngozi iri kuuya.”

Maziso ake akavhurika pakarepo. Akatarisa-tarisa mukamuri, zvese zvainge zvakanyarara asi hana yake wakatanga kurova nekukurumidza.

“Vimbiso…” akadaro achimuzunza zvinyoronyoro sezvo akanga ave kubatwa nehope.

“Pane chakaipa chiri kuuya…” Akadaro Martin achimutsa Vimbiso uyo akabva ati, “Do not worry babe. Hakuna akarwa naMwari akakunda. Usatya, God is in control.”

Akatora nhare yake ndokubaya baya ndokuidzorerazve pasi. Panguva pfupi kwakauya chiremba nevamwe vaviri ndokubva avabuditsa mavakanga vari. Martin akamboedza kuramba asi Vimbiso akamugombedzera kuti vaende.

Scorpion akabuda mumotokari ndokufamba achienda kuruzhowa rwechipatara. Akasvetukira mukati ndokubva afambisa achinopinda muchipatara asina kuonekwa. Panguva dzaaifamba mumwe wevarindi akazviona kuti munhu uyu aive mhandu, paakaedza kumumisa Scorpion akabva abuditsa pfuti ndokumunongedzera. Izvi zvakaonekwa paCCTV, nyangwe kufamba kwose kwaakanga aita uye kumira kwavakanga vakaita panze vachiri mumotokari. Scorpion akaisa guard pamberi iye ndokutevera shure. Vachifamba kudaro akazongoshamisika akomberedzwa nemapurisa akapakata zvombo. Scorpion akada kuridza pfuti asi akatangirwa nemumwe mupurisa ndokubva arohwa ruoko rwainge rwakabata pfuti ikanowira kwakadaro ndokubva atoiswa njema. Akatozoshamisika kuona VaGoredema dzakachenawo apo vakanga vave pamotokari yemapurisa...

End of chapter 36

See you in chapter 37

26/05/2026

SHAISANO

STORY BY ERNEST MANGANI

EDITED BY ARTHUR MUDEHWE

Contact; +263785314968

CHITSAUKO 35

Mhepo yakanga yakanyarara kunze kwechipatara, asi mukati macho maiva nekurema, kutya, kusagadzikana, uye kunamata kwaibva mumoyo yakatsemuka. Vimbiso akanga akagara pachigaro pedyo nemubhedha waMartin. Maziso ake akanga azvimba zvairatidza kuti akanga achema kwenguva refu. Misodzi yaingomokoteka isina aipukuta asi zvakadaro aisarega kunamata. Panguva iyi maoko ake akanga akabata ruoko rwaMartin rwakanga rwusina simba uye rwaitonhora sekuti ropa rakanga rusiri kufamba zvakanaka.

“Martin… ndapota muka mudiwa wangu,” akadaro nezwi rakapfava asi richidedera neshungu.

“Unoda kuti ndiite sei nhai mudiwa wangu! Unoda ndirwe nani hondo yose iyi? Please muka kani Shumba...” Aingodemba achidaro akabata ruoko rwemurume waaidisa.

Kune vakambopindana nenguva iyi ndovimba munonyatsoinzwisisa zvakanaka. Pfungwa dzinombotirasikei zvishoma. Muchina waibatsira Martin kufema waibudisa ruzha rwakadzikama, waiti beep… beep… beep… sokunge waiverenga nguva yake yekurarama yakanga yasara.

Sharai akanga akamira pedyo nepahwindo, akatarisa kunze asi pfungwa dzake dziri kure. Airwadziwa nekushushikana pamusoro paVimbiso uyo akanga asiri kudya. Akazopedzisira atendeuka ndokuti, “Vimbiso… ngatirambei takasimba neminamato. Hondo iyi haisi yekutamba nayo. Asi ndokumbirawo kuti umbodye ndapota. Its been two days now usiri kudya.”

Vimbiso akasimudza musoro ndokutarisana naSharai akabva ati, “I will eat kana mumwe wangu amuka. Kana asina l will not eat ndinofa naye...”

Sharai akatarisa Vimbiso ndokudzungudza musoro. Akabva ati, “Please Vimbiso chero mvura hayo here asikana? Dai wamboedzawo.” Akadaro Sharai achinzwira mumwe wake tsitsi. Sharai akanga otora Vimbiso semunin’ina wake, hama yake yepedyo. Asi mukati make, Sharai ainzwa kutya kukuru. Aiziva kuti zvavakanga vakatarisana nazvo zvaipfuura simba revanhu vapenyu. Zvaitoda Mwanakomana waMwari, ivo Ishe Jesu Kristu weNazareta mbune ndivo vaizvikwanisa. Ndizvoka zvavakaendera pamuchinjikwa, Isaiah 53:4 ne5 inozvireva pachena ichiti, “Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa. Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.’ Chimiro chaivepo chaingoda simba raiye Mwanakomana ndiye chete aizvigona kwete vanhu.

Panguva imwe cheteyo, kune rimwe divi redhorobha, pane imwe imba yakanga yakavharika magonhi nemahwindo, mwenje wakanga wakadzima asi paiva nemarimi madiki emarambi matsvuku aipenya zvishomashoma.
Mai Monalisa naVaGoredema vakanga vakagara vakanyarara, pamberi pavo paiva nemukadzi ane maziso matsvuku aipenya achibatira chiedza chemwenje wemarambi uye inzwi rake raityisa. Mukadzi uyu aiita zvemanjuzu.

“Murume wamuri kuda kupedzisa uyu… haasi oga,” akadaro mukadzi uya achidududza zvishoma kubva pagirazi rake.

“Pane simba riri kumudzivirira nekumurwira. Asi… kana tikabata moyo wemukadzi wake… zvinhu zvese zvinobva zvaita sekuda kwedu.” Akadaro mukadzi uya.

Mai Monalisa vakaudyura meso avo. Vakaringa ringa ndokuzoti, “Zvino toita sei? I want him dead.”

“Zvandareva hauna kunzwa here? Ndati tikabata moyo wemukadzi wake ndokuti tikunde.” Akadaro mukadzi uya.

“Saka munonoreva kuti Vimbiso ndiye weakest point here apa?” vakabvunza vachiswedera pedyo.

Mukadzi uya akanyemwerera zvine utsinye ndokuti, “Mwoyo wake une rudo… uye rudo runorwadza kana rwatsemuka. Kana tikamurova ipapo… murume wake anoparara ega.”

VaGoredema vakanga vakanyarara, asi mwoyo wavo wakanga wakazara nerima.
“Do it,” vakadaro vakaita kurumanisa mazino.
“Whatever it takes, l don’t care do it,” vakaenderera mberi.

Kuchipatara, nguva dzaiita sokunge dzamira kufamba. Apostle Chivasa vakasvika pamwe nevamwe vana vekereke. Vakapinda muward vakanyarara, asi paiva nesimba rakanga riri pachena mumafambiro avo.

“Ngatitange kunamata,” vakadaro vachiraira vatendi vose.

Vose vakapfugama. Ruzha rwekunamata rwakatanga rwakadzikama, asi rwakawedzera zvishoma nezvishoma kusvika rwazadza nzvimbo yose. Vakabva vakumburwa kuti vanonamatirw havo panze kure nevarwere nekuti vamwe vaisada ruzha.

“Ishe Mwari, tinouya kwamuri… tichikumbira hupenyu… tichikumbira ruponeso… tichikumbira kuti murume uyu adzoke kuvapenyu. I know his time is not yet...” Vakadaro Apostle apo vakanga vave panze.

Vimbiso akasimudzawo maoko ake, misodzi ichiyerera, “Handizoregi kunamata Ishe wangu. Handizorasi tariro nerutendo mamuri. Munoti tikumbire, tichapiwa! Ndiri kukumbira hupenyu hwemurume wangu hwakapambwa newakaipa. I know hakusi kuda kwenyu, kuda kwewakaipa asi wakakundwa kare nemi Jesu pamuchinjikwa!”

Pakarepo, muchina waMartin wakatanga kuita ruzha rwakasiyana nerwapakutanga.

“Nurse!” Sharai akashevedzera sezvo akamga asina kubuda panze pakabuda vamwe.
Vanachiremba vakamhanya vachipinda. Vakatanga kushanda nekukurumidza.

“His pulse is dropping!” Akashevedzera vamwe.

“Prepare injection!” Akadanidzira mumwe chiremba.

Todzokera panze, Vimbiso akada kusimuka asi Apostle Chivasa vakamubata.

“Usatya… Vimbiso, rambai muchinamata vana vaMwari!” Vakadaro ndokubva vatanga kudanidzira vachinamata zvakasimba.

Panguva iyoyo, mukati memweya, pakanga paine hondo yakanga isingaonekwi nemaziso evanhu yaiitika asi vemweya chete ndivo vaiona. Martin akazviwana ari munzvimbo isina chiedza asi rima raibatika. Akanga akamira ega asina mumwe mupenyu waaiona kunzvimbo iyi.

“Ndiri kupi?” akabvunza, izwi rake richidzokororwa nemaungira akaitika.
Pakarepo, paiva nerima rakatanga kuswedera pedyo naye rakaita semumvuri une hupenyu.

“Yasvika nguva yako… Handei kuno,” rakadaro izwi raitonhora ruchibva mumumvuri werima uya.

Martin akanzwa kutya kuchimupinda asi kure kure, kwaiva nechiedza chidiki chaipenya iko kwakabva izwi rakapfava rakanzwika richiti, “Usatya… ndinewe. Nguva yako haisati yakwana. Please come...”

Martin akatarisa kuchiedza ichocho ndokunyemwerera. Moyo wake wakatanga kudzikama panguva dzaaiswedzera kuchiyedza chiya.

“Handisati ndapedza basa rangu,” akadaro zvine simba.

“Handiuye ikoko ndiri kuenda kune chiedza icho,” akadaro achifuratira zimumvuri rerima rainge munhu riya. Akatanga kufamba achienda kuchiedza chiya icho chakatanga kukura chichivheneka nzvimbo yose. Rima rakatanga kudzokera shure richipopota nehasha.

Muchipatara, chiremba akanga ava kuzvitadza. Chiremba vakatarisa mumwe mukoti ndokuti, “We are losing him…” Asati apedza kutaura, muchina wakabva wachinja ruzha rwawo.

Beep… beep… beep… wairira muchina uye pulse yakatanga kudzoka zvishoma nezvishoma.

“Wait… he is stabilizing sir!” Akadaro mumwe chiremba. Vose vakatarisana vakashamisika.

Vimbiso nechikwata chakanga chabva kuchurch vakanga vave panze asi vachinamata. Vimbiso akawira pasi achichema, asi nguva iyoyo misodzi yaiva yekutenda Mwari. Ainzwa kuti vakanga vakunda hondo yakakura.

“Thank you Jesus… thank you…” Akadanidzira nenzwi guru raive nesimba.

Apostle Chivasa vakanyemwerera zvinyoronyoro ndokubva vati, “Ndakati hondo iyi haisi yedu… asi yaMwari. Mwari wedu haakundikane kunyange zvireme sei!”

Kune rimwe divi, mukadzi wemanjuzu akavhunduka, muviri wake uchidedera nekutya kwakanyanya.

“Hazvibviri…” akadaro achidzokera shure.

Mai Monalisa vakasimukawo vaona munhu wavaivimba achitya zvakadaro.

“Chii chaitika?” Vakabvunza.

Mukadzi uya akapindura achitya, “Pane simba riri kupikisa… handikwanisi… handichazvikwanisi!”

VaGoredema vakaridza tsamwa ndokuti, “Useless!” Vakangozvishingisa kutaura mashoko aya asi mukati mavo, kutya kwakanga kwavabatawo.

“Handikwanisi kenderera mberi. Munhu wenyu uyu ane simba riri kumurwira. Simba rinopfuura masimba ose. Torai mari yenyu muende handichazvikwanisa ini. Handidi kufira mafufu segonzo.” Akadaro mukadzi wemanjuzu achitya zvikuru. Kana naiye zvaakanga aona zvainge zvamukatyamadza.

“Pedza basa rawatanga shamwari. Mukomana iyeye ngaafire kuchipatara izvozvi mupedzise,” vakadaro VaGoredema vakasunga chiso. Vakabva vabuditsa pfuti yavo ndokunongedzera mukadzi uyo akabva aseka zvake achiti, “Makadii makaenda kunomupfuura kana maida afe sei makauya kwandiri? Munofunga kuti ndinotya pfuti, try it kana uchida kuona kuti iwe neni ndiani anofa! Try it!”

Akanga zvino asunga chiso asisaseke. Akabva ati, “Usade kundiedza kana kundizvida wanzwa. Unofira mahara, torai mari yenyu mubve pano. Kasirai.”

Pavakada kuita nharo mukadzi uya akatanga kutaura neumwe mutauro wakavhundutsa VaGoredema ndokubuda vachimhanya.

Papera nguva vamwe vose vadzokera kumba kwavo. Martin akatanga kufambisa minwe yake zvishoma. Vimbiso akanga adzoka panguva iyi uye akazviona.

“Martin…?” Akashevedzera.

Maziso ake akavhurika zvishoma nezvishoma. Akatanga kufema ega.

“Vimbiso…” akadaro zvinyoronyoro.
Vimbiso akabva achema nemufaro wakapetwa, Mwari vakanga vamunzwa, vakanga vapindura munamato wake.

“My love wamuka! Mwari makanaka,” akadaro achinyemwerera.

Martin akamutarisa, maziso ake azere nechiedza chitsva.

“Ndakaona rufu… asi ndega handina kurukunda… Mwari vakandirwira kuti ndikunde.”
Sharai akabva aseka zvine mufaro achipindamo.

Martin akabva ati, “Hondo yatanga zvino… uye tava kuziva kuti ndiani ari kutirwisa anotirwira ndiJesu musatya ndararama inini.”
Yakave nguva yekufara kuna Vimbiso. Sharai akabva ati, “Ndave kutomhanya kunokutsvavira chokudya munin’ina wangu. Mukoma ndinouya manje manje..” Akapedzisa ave kutomhanya kubuda muchipatara...

END OF CHAPTER 35

26/05/2026

SHAISANO

STORY BY ERNEST MANGANI

EDITED BY ARTHUR MUDEHWE

Contact; +263785314968

CHITSAUKO 34

“Ndakaita zvose izvi kwete nekuda mwanangu, asi kutya nhamo. Nhamo haina kumbonaka mwanangu... Ndinokumbira undiregererewo.” Vakadaro misodzi ichiyerera nematama avo. Vakatendeukira kumudzimai wavo ndokuti, “I am so sorry my wife. Ndakazvi...”

Mai Mhere vakabata murume wavo ruoko ndokumusimudza vachiti, “Maregererwa Shumba, ndangofarira danho ramatora kutaura zvose zvamakaita pasina kutya. Mwari vanoregerera sekudzidziswa kwatakaitwa naApostle Chivasa. Kana zvichibvira tinovashanyira masikati tinotaura navo tinzwe kuti tingabatsirike sei.”

Martin akabva ati, “Ndakakuregererai kare baba, mukadzi wangu aindibatsira kuti ndikunamatirei mudzore ndangariro dzenyu mugone kuona zvinhu maonero amave kuita iyezvino. Musanetseke naGoredema ari kuramba akaoma moyo, ndiMwari vari kuita izvozvo, zvine chinangwa musatya henyu.”

Mashoko aya akamataura mushure mekunge baba vake vataura zvose kuti company yavo vakanga vakaivamba sei vakabatana nasahwira wavo Goredema uye zvitsiidzo nemhiko dzavakaita.

Pavakapedza kudya kwamangwanani Martin akabva ati, “Ndave kubuda, ndichambonoona kuti kushop kwakamira sei ndozoenda kufarm. Ndichange ndichikubatai ndogona kusadzoka nhasi.”

“Mufambe zvakanaka Shumba, mukwazise muroora wangu,” vakadaro VaMhere vachionekana nemwana wavo.

Zvaakasvika mudhorobha, Martin akaita rombo rakanaka kusangana naVimbiso. Vakafara kuonana ndokubva vanogara mumotokari.

“Mafungepi mangwanani ano nhai Shumba?” Akabvunza Vimbiso.

“Kufarm wena, ndiri kuda kunoona kuti zviri kufamba zvakanaka here. Ko, urisei hako nhai mumwe wangu? Asi mauya natete kani?” Akadaro Martin.

“Kwete, tete vauya vega, ini ndatevera ndoga. Ndichangosvika hangu,” akadaro Vimbiso.

“Ko, kusandiudzawo kuti uri kuuya mutown nhaiwe. Handiti ndingadai ndabva kumba ndichiziva kuti ndichasangana newe. Izvozvi handina kutakura extra cash, ndingori nemari yemaworkers neyetollgate chete...”

Vimbiso akatarisa murume wake mumaziso ndokuti, “Ko, zvemari zvapinda papi nhai Shumba? Ndine parcel yandiri kugamuchira yabva kuZambia ndobva ndatodzokera kumba ini handisi kumbogarisa muno mutown so handina zvekushandisa mari yamuri kunetseka kuti dai maitakura.”

Vaviri ava vakatarisana kwekanguva Martin ndokubva ati, “Ndinokuda Vimbiso. Ndinokuda nemoyo wangu wose.”

Vimbiso akanyemwerera ndokuti, “Neniwo ndinokuda Martin, ndinokudisisa.”

Vaviri ava vakazopinda mune dzimwe nyaya dzine chekuita neupenyu hwavo. Kunyange zvazvo Vimbiso naMartin vakanga vataura nezvekukunda kwavakanga vaita, mumoyo mavo vaiziva kuti hondo yakanga isati yapera.

Martin akatarisa Vimbiso zvinyoronyoro ndokumutsvoda. Vimbiso akabva ati, “I love you, but please stay in prayer, Martin. Pane zvandiri kunzwa kuti hazvisati zvapera. Hondo ichiripo.” Martin akangogutsurira musoro akangoyeva mudzimai wake.

“Hondo iyi haisi yedu, asi tinofanira kuramba takamira neminamato kuti tirege kukurirwa newakaipa. Uswere zvakanaka,” Akadaro Vimbiso asati abuda mumotokari yaMartin.

Martin akatyairawo motokari achienda kuchitoro chake. Panguva yaakasvika kushop, Robson akanga atovepo achirongedza zvinhu.

“Good morning boss,” Robson akakwazisa achidaro.

“Morning how are Robson. Ririsei basa rake pano?” Akabvunza Martin.

“Zvinhu hazvina kumira zvakanaka nhasi boss,” akadaro Robson achiratidza kushushikana.

“Chii chaitika?” Martin akabvunza achigara pachigaro chaivemo.

“Pane vanhu vauya vachitsvaga mari yavo, vamwe vachiti zvinhu zvavakatenga zvakadhakwa, sandiyo quality yavaida hameno vakaita order online, uye…” akambomira zvishoma ndokuenderera achiti, “pane nyaya yekuti warehouse ine zvinhu zvemuno rakapazwa usiku.”

“What!” Martin akabva asimuka nechimbichimbi.

Hana yake yakatanga kurova zvakasimba. Zvainge zvava pachena kuti hondo yakange ichigere kuvarega, zvaida kunamata nekutsanya kwakakura kuti vakunde. Akafambisa achienda kuwharehouse uko akaona kuti zvedi kwakanga kwapaza.

“Ko sei usina kundifonera nhaiwe Robson?” Akabvunza Martin apererwa nezvaakanga aona.

“Ndaedza kukufonerai asi phone yenyu yaramba asi ndaisa message pawhatsapp,” akapindura Robson.

“Oh, I didn't open my whatsapp since morning,” Akadaro Martin. Vakaenda vose kunotarisa zvakanga zvabiwa ndokuona kuti aingove masaga matatu esimende nezvimwe zvekuvakisa zvakanga zvatorwa. Martin akaraira Robson zvekuita ndokubva apinda parwendo rwekuenda kupurazi.

VaGoredema vakanga vakagara vakanyarara, asi mukati memoyo wavo maibvira moto. Vainzwa hasha dzaiita kuvirima mavari sedzemhungu kana rovambira ratsikwa muswe iro rinenge rakagadzirira kukobora nekubuditsa huturu. Chirirporipotyo nhare yavo yakarira.

“Hello?” vakadavira vakakwidza inzwi.

“Sir… zvinhu zvaVaMhere zviri kufamba zvakanaka… hapana chakavawana ava,” rakadaro izwi riri kune rumwe rutivi rwenhare.

VaGoredema vakakunga chibhakera ndokurova patafura zvine simba vachiti, “Hazviiti… hazviiti izvi! Wanyatsoongorora here iwewe?”

“Yes boss and he is happy. Ndatotaura navo and he is saying vakaita a good decision kunamata. Nothing bad had happened to him so far,” akatasanangura ivo ndokugura nhare nehasha.

Mai Monalisa vakabva vapindawo nguva iyi. Vakatsveta ndiro dzaive nezvidyiwa patafura vachiti, “Ko n’anga yakati kudii? Zvakanzi maresults munomaona ipapo here or nekufamba kwenguva?”

VaGoredema vakafemedzeka neshungu ndokuti, “Yakati haikwanisi… yaiti pane simba riri kuvadzivirira.”

Mai Monalisa vakaseka zvine utsinye mukati ndokuti, “Saka totaura kuti varikudzivirirwa nani? Iye Mwari wavo iyeye here? Kana zvakadaro, tichavabata panyama, kana zvemweya zvaramba.”

Maziso avo akapenya vazadzwa nepfungwa dzakaipa. Vakabva varti, “Pane chimwe chinhu chatinofanira kuita… chinorwadza, chinoparadza… chinoita kuti vacheme nekusingapere. Let me engage Scorpion in this.”

VaMhere vakabva vafonera Scorpion uyo asina kumbononoka kusvika sezvo aisagara kure. Vakamupira nyaya yose sekuitika kwayakaita iye ndokupindura achiti, “What exactly do you want me to do? To kill or?”

Mai Monalisa vakabva vati, “Whatever chinoita kuti varwadziwe uye chimuchato chavo chikone.”

Scorpion akabvuma dhiri ndokunyorerana pasi uye kusanopiwa chidimbu chemari yebasa raaida kubata iri. Mai Monalisa vakabva vabudawo ndokuenda kune mumwe mukadzi aiita zvemanjuzu kwavaida kunotsvaka simba rekurwisa mhuri yekwaMhereyenyoka.

Madeukazuva, motokari yaMartin yaifamba achangopinda mumugwagwa mukuru achibva kupurazi kwavo. Pfungwa dzake dzakanga dzakazara nezvaakanga zvaitika kuchitoro kwake uye aimhanyira kunobata kereke isati yapera. Achangopfuura paEleven Miles akarurama kudzoka muChinhoyi pakarepo, rimwe rori rakabva rabuda mberi kwake asingazvitarisiri apa rainge riri kudivi risiri raro richida kuedza kupindira imwe motokari.

“Hey!” Martin akavhunduka ndokubva atsika brake nesimba. Ndiko kuirasa kwaakaita, paakazoda kuedza kunzvenga achibuda mumugwagwa zvakanga zvatoenda nepamwe. Motokari yakarohwa zvine simba ikabva yatenderera rutatu ichibva yanorovera pamuti waiva padivi pemugwagwa. Magirazi akaputsika, ropa rikabuda nepahuma paMartin uyo asina kana kumbooneka kana kupfakanyika.

Manheru acho pakanga paine church service zvakare inova yaimhanyirwa naMartin. Vimbiso akanga asiri kugadzikana. Mweya wake waimunyevera zvimwe zvinhu uye ainzwa kungoneta. Apostle Chivasa vakamutarisa ndokuti, “Pane zvauri kunzwa here, mwanangu? Sei kuita sekunge uri kurwara? Is everything okay?”

Vimbiso akapindura zvinyoronyoro, “Pane rima riri kufamba… uye handisi kuona magumo aro.”

Apostle vakamubata ruoko ndokuti, “Usatya. Kana Mwari vari newe, hapana chakaipa chinokukunda. We have to pray zvakasimba tikunde. Hondo yacho haisi kuzorora, your marriage... Family yemurume wako inoda kunamatirwa zvakasimba. Mweya weshaisano... Muvengi asimuka zvine simba.”

Vakaimba nekunamata zuva iri, Vimbiso aingoti akagara gara otarisa nhare yake. Pamwe otarisa kunzira sezvo akanga ambotaura naMartin achiti akanga ave kusvika paLionsden.

Papera chinguva nhare yake yakarira ndokuidavira achibva pane vanhu. Vimbiso akasvetuka achishebedzera kuti, “Martin!! What happened to him... Oh my God....”
Vanhu vose vakamutarisa vachishaya kuti chii chakanga chaitika.
“Chii chaitika?” vakabvunza Mai Chivasa.

Misodzi yake yabva yatanga kudonha, pfungwa dzotenderera. Akangokwanisa kuti, “Pane zvaitika kuna Martin… He is in hospital.”

Sharai haana kuda kutambisa nguva. Akangosimudza Vimbiso ndokuenda naye kumotokari ndokuitsika vakananga kuChinhoyi Hospital. Vakasvikatsvaka Martin ndokumuwana. Aanga akarara pamubhedha, asina kana chaaigona kuita. Kufema chaiko aibatsirwa nemichina iyo yairira zvishoma.

Chiremba akabuda ndokutaura achiti, “Taita zvese zvatinogona… but the next 24 hours will determine everything.”

Vimbiso akabva apfugama pasi ndokuti, “Ishe… handizoregi kumanata. Handizoregi kunamata… kwete panguva ino… Musandinyadzisa Mwari wangu...”

Sharai akabata Vimbiso ndokumubatsira kusimuka ndokufamba naye vachibuda muchipatara. Akanomugadzika mumotokari. Panguva iyi ndipo pakasvika vamwe vakanga vatevera vachibva kukereke...

END OF CHAPTER 34

You miss machapters ebook rino nekuti hausi muchannel. Garira muchannel usapotwa naro.

26/05/2026

SHAISANO

STORY BY ERNEST MANGANI

EDITED BY ARTHUR MUDEHWE

CHITSAUKO 33

Usiku hwakanga waenda VaGoredema kun'anga kwaive nerima raityisa apo mhepo yaifefetera zvishoma ichibva kumakomo, asi mumweya maiva nekurema kusingatsanangurike. Kumba kwaVaMhereyenyoka zvinhu zvaiita zvakanaka panyama, asi mweya maiva nehondo yakanga yatotanga.

Martin akanga akarara pamubhedha wake asi hope dzakanga dzaramba kumubata. Moyo wake wainzwa kurema kwaive mumba uye muviri wake wakanga wakaita sokuti pane chairema chaive chaiswa pamusoro pake. Akatora nhare yake ndokufonera Vimbiso uyo asina kumbononoka kudavira.

“Wafona good time sweetheart, ndainge ndatobatawo phone kuti ndikufonere. Wagona hako nekundifonera,” Akadaro Vimbiso mushure mekunge adavira nhare yake.

Martin akazhinya ndokuti, “Unotendei nhai mudiwa wangu. Ndiri kushaya hope ndosaka ndafona kudai. Umm ndine zvandiri kungonzwa soo kuti zvinhu hazvina kumira mushe. Kunge ndine zvagara pamafudzi angu.”

“Ndiyo nyaya yaita ndifone iyoyo, zvinhu hazvina kumira zvakanaka pfugama tinmate mudiwa. Hondo iri kuuya pamba ipapo haina kumira zvakanaka. Pane murume atora mapictures enyu akaenda nawo kun’nga but fear not. We are more than conquerors. Pasvika mumvuri weurwere, tsaona nerufu pakati pedu asi tinokunda let us pray.” akadaro Vimbiso asati agura nhare. Martin aiziva musikana wake kuti akayera ataura saizvozvi pane chinenge chaonekwa muchamweya. Akasimuka zvinyoronyoro ndokupfugama.

“Ishe wangu… ndinonzwa sokuti pane chakaipa chiri kuuya pano pamba… ndibatsirei Mwari wangu,” akadaro nemaziso akazara misodzi.

Pakarepo mhepo yakapinda nepahwindo rakanga rakavhurika zvine simba. Gonhi rakabva ranyatsovhurika richibva ranorova madziro. Martin akavhunduka asi haana kumira kunamata.

“Handityi chimwe chinhu! Ndina Jesu! Muvambi nemukanisi wekutenda kwangu. Mufudzi akanaka, murwi wehondo dzangu,” akadaro achisimudza izwi rake.

VaMhere vakanga vakarara, asi pakarepo vakabva vamuka vaine kusagadzikana. Hana yavo yairova zvakanyanya. Vainge vavhundutswa nechiroto chaakanga vasangana nacho.

“Martin! Martin mwanangu…” vakadaro vachibuda mumba mavo vachimhanya. Vakasvika paiva naMartin ndokuwana akapfugama achinamata zvine simba.

“Pane zviri kuitika Martin… pane hondo…” vakadaro VaMhere vachidedera.

Pakarepo rima rakazara mumba. Mwenje wemagetsi wakadzima sokunge magetsi akanga aenda, kunge akanga apera, kunge pane chakanga chadzima mwenje wacho. Mhepo yakatanga kuvhuvhuta zvine simba, mukati memba ndokuita sokuti pane munhu ari kufamba. Asi zvakadaro Martin haana kumira kunamata.

“Baba vari kudenga! Hatina rimwe zita ratingaponeswa naro kunze kweraJesu! Tinokunda nemuropa raJesu!” Akadanidzira nesimba.

VaMhere vakabva vapfugama pedyo naye ndokutanga kunamatawo vachiti, “Ishe, ndimi nhare yedu! Ndimi munorwa hondo zvevana venyu, ndinoziva ndiri mutadzi nemudariki wemirairo yenyu. Ndakatadza ndikazvidza zita enyu. munonyangadzwa nemabasa ose andakabata asi ndakanzwa muzodziwa wenyu Apostle Chivasa vachiti you are God of so many chances. Muri Mwari vanoregerera mutadzi panguva yekusaziva kwake. Baba ndinokumbira akuchengetwa nekuponeswa nemi. Ropa remwanakomana wenyu ngarishambe zvitadzo zvangu imi mundivanze muupano hwenyu wakaipa ashaiwe simba.... ” vakanamata vachidaro.

Pakarepo, sokunge pane chimwe chinhu chauya pamusuwo, pakanzwika ruzha rwakaita sekunge kurohwa kwakasimba. Gonhi rakazunguzika asi harina kuvhurika. Martin akasimudza musoro wake asi haana kutya.

“Every weapon formed against us shall not prosper!” akadaro nesimba achienderera mberi nekunamata.

Pakarepo, mhepo yakabva yadzikama zvishoma. Asi mukati merima, pakanzwika izwi rakadzika risinganzwisisike kuti rairevei.

Panguva iyi Martin akabva atanga kuverenga magwaro akanga atumirwa naVimbiso panhare yake.

“Though I walk through the valley of the shadow of death, I will fear no evil…” akadaro paakapedza kuverenga ndokutanga kunamata zvakare.

Mwenje wakabva wabaka kamwe kamwe, magetsi akanga adzoka uye panze zvinhu zvose zvakanga zvadzokera panzvimbo. Pakaita kunyarara sekunge pasina kumbobvira paita ruzha kana mhepo yaityisa.

Panguva imwe cheteyo yaiitika mashiripiti kumba kwaVaMhere, kure kure kugomo reCheuchi, n’anga yakanga yakagara padehwe remhuka mujinga memoto waipfuta zvishoma shoma uchipa chiedza nekudziya kwakafanira. Yaive yakapfeka ngundu yavo yakamonera machira eretso, ichiimba nemazwi asinganzwisisike. VaGoredema vakanga vakagara padivi, maziso avo akazara kutya asi vachiedza kuzvivanza. Vakanga vakabata mufananidzo waVaMhere nemwanakomana wavo wavakanga vanotora kuhofisi kwavo.

“Mhepo tatumira… ichasvitsa rufu, kupesana, nekuparadza…” yakadaro n’anga ichikanda hupfu mumoto. Moto wakabva wanganduma, mhepo ichibva yasimuka ichimhanya nerima ichienda kwayainge yatumirwa. N’anga yakabva yamira kamwe kamwe, maziso ayo akavhurika zvakanyanya.

“Hazviiti…” yakadaro ichidedera sokunge yakanga yapindwa nechando chemuna Chikunguru.

VaGoredema vakasimuka ndokuti, “Chii chaitika?”

“Munhu uyu… haasi oga… pane simba rakamupoteredza… handikwanisi…” yakadaro n’anga ichidzokera shure zvairatidza kuti yainge yaona zvaityisa kwazvo.

“Mati kudii?!” VaGoredema vakabvunza vakasunga chiso.

“Handikwanisi, ndinokuudza chokwadi… munhu uyu ave kuchengetedzwa… zvandatumira hazvina kusvika pamupanda wake…” yakadaro n’anga.

VaGoredema vakatsamwa zvekupenga ndokutanga kupopotera n’anga iyo yakabva yati, “Haundiudzire mashandiro wanzwaka! Mhepo yandatumira ine simba rekuparadza zvikuru, ikashaya payashanda chenjera kuti inodzokera iwe mweni. Ini ndageza maoko handigoni kurwisa munhu uyu...”

Nechiramwa vakakanda mifananidzo miviri yaive mumaoko avo muchoto ndokufambisa vachibvapo. Vakapinda mumotokari yavo ndokutyaira vodzokera kuChinhoyi. Panguva iyi vakanga vasingamhanye asi vaifamba zvishoma shoma pfungwa dziri kure kure kusingasvike vapenyu. Chinhu chainge chovadya moyo inyaya yekuti simba raive naVaMhere raikunda n’anga nderipi chaizvo. Zvakanga zvamboitika pavakaenda kuna VaMuchaiwa vakaudzwa kuti musikana waMartin airwirwa nedenga uye kurwisana naye kurwisana nechikuriri. Zvakajeka kwavari kuti musikana iyeye ndiye aive nenyaya yose. Vakatanga kufunga kuti vaiita sei kuti musikana waMartin aive honzeri yenhamo dzose idzi afe zvibve zvangopera zvakadaro.

Mangwanani akatevera, zuva rakabuda zvakanaka sokunge hapana chakanga chakaitika usiku hwapfuura. VaMhere nemwanakomana wavo Martin vakagara panze, vachinwa tii nemakokisi avakanga vaunzirwa naMai Mhere.

“Takakunda,” vakadaro VaMhere zvinyoronyoro.

Martin akanyemwerera ndokuti, “Kwete isu… kwete nesimba redu, Mwari ndiye akakunda.”

VaMhere vakanyemwerera ndokuti, “Ndaisaziva kuti God is this powerful! Ndaifunga kuti Mwari vanonoka kupindura ini, ndainge ndakafa chokwadi. Handiti zvinonzi kusaziva kufa?”

Martin akaseka ndokuti, “Tose taive murima baba, Vimbiso comes to our rescue. Kunamata kwakanaka uye kunonakidza. Hupenyu hwekunamata hwakareruka uye une kumwe kusununguka kwaunongonzwa so.”

VaMhere vakanyemwerera ndokuti, “But tell me son, makasangana kupi nemuroora wangu? Ndiye here wakamutsvakira basa kwatete?”

Martin akabva ati, “I met her ndaenda kunoona tete, she was already there. Ndakangomufarira ndokusvitsa shoko despites Virginia’s false allegations. Thanks to Nelisa, ndiye akandisimbisa nekundiudza chokwadi about Vimbiso...”

“So Virginia anga akavenga Vimbiso ndosaka akabatana naCarol kunomuponda? Ndinotenda kuti wakagona kumira nechokwadi chawaida mwanangu. Dai pasina iwewe tiri murima kudai. There is something l want to tell you about, l hope you will forgive me Martin. Ndakazviita nekudawo kupfuma...” Vakadaro VaMhere ndokumbotsikitsira vachishaya kuti votanga sei kutsanangura nyaya yavo...

END OF CHAPTER 33

See you in Chapter 34 tichinzwa kuti zvakafamba sei.

Address

Brundish
Chinhoyi

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Ernie's Books and Series posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Ernie's Books and Series:

Shortcuts

Share

Category