02/10/2026
*EGG BINDING / INTERNAL LAYING / EGG PERITONITIS* - mu Shona tinoti *"Zai raputikira mudumbu"* kana *"Huku yanamatira zai"*.
Ndiro dambudziko rinouraya huku dzinokandira zvakanyanya, kunyanya dze road runner ne layers dzakafuta zvakanyanya.
ZVIRATIDZO - Ungaziva sei?
✅ Huku inogara pasi, haidi kufamba, yakazvimba mudumbu
✅ Inoramba ichiita kunge iri kuda kukandira asi pasina chinobuda
✅ Dumbu rakazvimba, rakaoma kana rine mvura kana ukaribata
✅ Kamwe kanobuda mvura yero / chena inonhuwa kubva kumashure
✅ Kusada kudya, kupera simba, mazai anodzikira
✅ Inofa mukati memazuva 2-3 kana ukasabatsira
ZVINOKONZERA - Sei zvichiitika?
*1. Kushaya Calcium ne Vitamin D3* - CHINHU #1 mu Zimbabwe
- Goko rezai rinova rakapfava, rinoputika nyore mudumbu
*2. Huku yakafuta zvakanyanya*
- Mafuta anovhara nzira yezai
*3. Kushaya mvura*
- Zai rinooma munzira
*4. Kushungurudzika (Stress)*
- Kufambisa huku, imbwa kudzingirira, ruzha
*5. Huku yakura kana idiki zvakanyanya kutanga kukandira*
*6. Utachiona - http://E.coli ne Salmonella* - Zvinokonzera kuzvimba mukati
KURAPA - Kana zai raputikira kare
*Iyi inyaya ye emergency!*
*Danho 1: Batsira huku kuburitsa zai*
- Isa huku panzvimbo inodziya, yakanyarara
- Geza maoko, isa mafuta (Vaseline / cooking oil) pamunwe, pinda zvishoma nekuichenjedza kumashure kuti ubatsire zai kubuda
- Kana goko raputika: Bvisa zvimedu zvegoko zvese zvinyoro nyoro - kana zvikasara mukati zvinokonzera hutachiona hunouraya
*Danho 2: Mishonga*
- *Oxytetracycline 20%* kana *Amoxicillin* - mumvura kwemazuva 5 - kudzivirira hutachiona mudumbu
- *Calcium + Vitamin D3 (CalciBoost / DCP)* - IPAPO IPAPO! Isa mumvura
- Mvura inodziya ine shuga nemunyu kuti iwane simba
*Danho 3: Kana dumbu razvimba nemvura (Peritonitis)*
- Izvi zvakaoma. Inoda Vet kuti abaye jekiseni re antibiotic yakasimba (Penicillin + Gentamycin)
- Huku zhinji dzinofa padanho iri
KUDZIVIRIRA - Usazorega zvichiitika zvakare
Iyi ndiyo yakakosha:
*1. CALCIUM NGUVO DZOSE!*
- Ipa *Layer Mash* kwete Grower kana huku yatanga kukandira
- Wedzera *makoko emazai akapwanyiwa / limestone / DCP* - chipunu chimwe pa kg ye feed
- Isa Vitamin D3 mumvura kamwe pavhiki
*2. Mvura yakachena 24hrs*
- Huku isina mvura haigoni kukandira zvakanaka
*3. Usafutisa huku*
- Layer inofanira kudya 120-130g pazuva chete. Kana ukaipa zvakawanda inofuta, zai rinonamatira.
*4. Chiedza*
- Maawa 14-16 echiedza chete. Chiedza chakawandisa chinoita kuti ikandire mazai makuru anonamatira.
*5. Usavhundutsa huku*
- Chengeta imbwa kure, usapinde uchimhanya
TABLE YEKUKURUMIDZA:
Chikonzero Solution
Goko rakapfava Calcium + D3 + Layer Mash
Huku yakafuta Deredza feed kuita 120g/day
Mvura shoma Mvura 24hrs, geza zvinwira
Utachiona Oxytetracycline + kuchena
*YAMBIRO:* Kana huku 2-3 dzafa nedumbu rakazvimba mvura yero, hutachiona hwapinda. Bvisa huku dzese, geza ne Virukill, ipa Oxytet kwemazuva 5 dzese.