Kunyorwa Nekuverengwa Kwema Book - Novels

Kunyorwa Nekuverengwa Kwema Book - Novels for people to learn true stories from our past

31/01/2025

makadii henyuu

16/11/2023

zvakungodawo chero ANOFEMA izvi

06/11/2023

hie to all

09/08/2023

Hie to all

08/11/2021

THE SHONA NOVEL BY T. MAPS
0774036294
PART 26
Ahh mainini ka hindava muchida kuti ini Adam we bhaibheri atadze zvekare kudya muchero uyo wekuziva chaipa nechakana. Ivo sekuru vakanga vakutosimudza musoro semhakure yasvikirwa pamwena wayo.Apa ndakanga zvino ndozvipa chivindi chokuti kunyangwe pane zvakaipa zvaizoitika taipedzerana uye taizoona kunowira tsvimbo nedohwe. Mainini Tanya vakanga vakatonamira sechikwekwe chaicho zvekuti vakanga vasingadi zvekutobva chaiko.Ndakaoonawo iyo svosva moyo yangu yobudawo mumba ichinhanyira apa dumbu rakanga rakukura zvekuti ndakaoona kuti munhu arikukurirwa nedumbu iroro, akasvika pandiri achifemereka ndokusvikondimb
undikirawo nepadivi ko adii hake ipo pamberi pakanga paina ivo vagoni ka amainini tanya vaingonyepera kusvimha twumisodzi semunhu arikuchema. Ko nhai Taka hindava uchidaro kudai nhai iwee, unoda kuti ndiite shirikadzi here ndichiri mudiki kudai uyo ndiRuva akanga achitaura izvi achitochema. Ndakatura saga renyama rakanga riri kumusana ndokutsvoda Ruva natanya pamatama ndokuvapa zvandakanga ndavaigira. Vakauchira ndokutakura vakananga kuimba yokubikira ndakaramba ndakayeva ava mainini vaiti vachifamba unoti vari kutamba mumhanzi, kumagadziko kwavo waioona kuti rimwe divi raenda kudenga rwimwewo richidzika pasi waibva waziva kuti ndivo vanonzi vakadzi chaivo. Ndakateera ndokupinda mumba ndokutanga hedu kurukura nyaya ndichitsanangura mafambiro andakaita asi ndakasiya nyaya yachipo nekuti iyo yaizondipinza munataisireva.Vakatanga havo kubvo kasadza kemunhu mumwe chete sezvo vakanga vakuoona kuti ndakanga ndanzwa nenzara. Ndichiri kudya ndakaoona mainini Tanya vakutora sipo nedombo rekugezesa ndikafunga kuti pamwe ndivo vaida havo kutamba nemvura asi ndakaoona shasha yakutouya kwandiri ichinyemwerera. Babamukuru pedzai kudya munogeza ndoda murume anogara akachena ini uyo nditanya hake akanga akutotsvaira tsvaira hake mumba nekurongedza ndiro. Ndakapedza kudya ndokusimuka ndonanga kwandakanga ndanzi ndieende nechimutsa mapfihwa icho chandaiverengera kuchidimbura muswee uyoyo waichipa chivindi.Ko nhai iwe Ruva ko hindava kuita kunge wakangoneta neta kudai asi watsamwa kuti mufana wako warikundiitira zvese iwee wakatatira here,.. ndakanga ndobvunza ivo amai mwana nekuti chiso chavo chakanga chisina mufaro. Haiva zvangu ndingaite godo rei hangu kungonetawo nechitumbu chako ichi chawakandipa ndotoita godo kune vamwe vekunze haikoma dzemudanga idzi takafanana ropa rimwe chete saka hapana chakaip uyo ndiRuva akataura hake avakunyemwerera. Ndakabuda mumba imomo hangu ndakueenda kunogeza, mwoyo wangu wakanga wasununguka manje uye kunyangwe ndaizodya muchero pakanga pasina chakaipa nekuti ndakanga ndaudzwa kuti dzaiva dzemudanga uye ropa rimwechete saka kwaitova kukwira kudenga memaneraka uku.Ndakatanga kufunga kuti tsoro dzangu ndaizodzufambisa sei kuti ndiwane mukana wakavandika wekuti ndikaumburirudze kamwana aka nekuti vakuru vakare vakati simbi inorohwa ichapisa saka uyu ndiwo waiva mukana mukuru chaiwo.Pfungwa dzachipo dzkadzoka zvee kuti ko ndakanga ndaiteizve ko kana kwaizoita kemazheve ndaizodii asi semurume ndaizomirira semheni inomirira mvura yonaya.Ndakatanga kugeza zvangu zvangu ndichiimba kanziyo kamacheso uyo anemukurumbira muridza nziyo dzemuseve ako kanonzi patakadanana pakanga pasina midzi, ndaiti ndikaimba nazwi ndoisa kamuridzo kemagitare ayo aindinakidza zvikuru. Murikugezwa here imomo mamuri kuimba kudai nhai Babamukuru.. Ndakakwakuka ndichimhara kwaiva nenguwo dzangu ndokuvhara papombi inobuda nemutakunanzva iyo yakakosha. Ko iwe Tanya wakakwana here mwana iwee unopindira vakuri vachigeza heee dzokera kumba uko ndodeedzera kuna sisi vako vakakurova izvozvi,ndakataura izvi ndakasunga chiso semunhukadzi arikuda kuzvara. Haiwa tibvireipo Babamukuru imi mukati makakwana here imi munodya inini heed manje sisi varara kare ndotodawo kadumbu sekavainako haikona zvekupenga zvamuri kutaura bvisai twuhembe utwo twuripamberi ndioone hangu pombi iyoo ahh ndimaini avo vakanga vakutoswedera pedya.... to be continued
April 28, 2

08/11/2021

THE SHONA NOVEL BY T. MAPS
0774036294

PART 25

Ndakanga ndoona sekunge Chipo airevesa nematauriro aakanga aita. Mumoyo mangu makanga makufunga iyo svosva moyo yangu yaiva nehuro yakareberera yekuti inda yaitokwira ichizororera uye kapfungwa kekunopedzerana namainini Tanya kakanga kauya.Reganditore shangu dzangu Taka ndikuoerekedze nekuti haungobudi pano pamba sekunge munhu adzingwaka,, uyo ndiChipo akanga onanga muimba yekubikira kunotora shangu dzake kuti andiperekedze apawo ini ndakanga ndakurongedza nyama musaga kuti ndiwane mafambiro akanaka.Haaana kutora nguva yakareba akadzoka ndokutora chigubhu icho chaakaisira mvura yaiva muchirongo ndofunga yakanga iri yekuti ndizonwa hangu kana kopisa. Takaruvamba rwendo tichitaura nyaya dzinakidza chose asi ndaipota ndichisara kumashure kwake kuti iye atungamire kuitira kuti ndioone kuti ndakanga ndakazviwanira mukadzi chaiye here.Ko iwee waTaka fambisa ka nhai ndoda kukusvitsa apoo pamakomo ayo ndodzoka hangu nekuti ndega ndinozopedzisira ndotya kufamba muzisango rakadai uyo ndiChipo aitaura hake achifamba zvishoma nezvishoma. Handina chandakapindura asi ndainyemwerera hangu ndakatarira makumbo ayo akanga aine zvitsapfu zvakanakisa. Ndakasvika paari ndoeendera mberi nerwendo. Tati fambei tava pedyo nemakomo aitaurwa nachipo takabva tatsvaga pamumvuri pekugara nekuti kwakanga kwakuoisa zvikuru. Ini ndakudzokera pano Taka wofamba zvakanaka handiti haucharasikika nekuti kuno kwava kudhunhu rekwenyu asika handingoeendi usina kundipawo uyo ndichipo akanga akuswedera pandiri. Handina kuziva kuti mashoko ake akanga achireva kuti aida tsvodo here kanaka kuti zvevakuru. Ndakaringa kwese kwese ndokuoona aika takanga takavharirwa nemiti zvekuti hapana aioona kunyangwe paizoiita zvinoeera. Ndakatsveta saga rangu renyama pasi ndokutura befu ndichiswedera pedyo nachipo kuti tipananane zvaakanga akumbira. Apa ndakakanga ndisingachatyi nekuti waiva muonekedzano uye handaizoziva kuti ndichazodzokazve kwana chipo kana kuti aya ndiwo aiva magumo ezvose.Ndakatanga zvino kutsvoda matama nekumupuruzira mapendekete ndakaoona zvino kuti ndakanga ndadenha nyuchi dziri pamukoko wadzo,handizivi kuti mbatya dzake dzakakumurikika sei uye dzangu dzkanga dzatova mumuti chaimo. Takapanana rudo rwese asi pasina dziviriro ingoti bedzi kwandiri ndaioona nemaziso angu kuti apa pakachena hapana chinopomerwa pamunhu uyu kuneni ndaiva mutano akakwana saka hapana chaityisa. Tapedza rudo ndakaoona Chipo opfugama ndokutanga kuombera achiti.. maita basa hove maita basa save maita basa munobika muto wegwaya wekuti kunyangwe mushakabvu anokumira kuti aunwe maita basa varidzi vemvura vane ganda remvura murambe makadaro ndamangwana. Ndakabva ndazvipa chiremerera chekuti saka ndiri mukono ka ini asika iye Ruva haana kumbonditenda kudai sei, saka zvinoreva kuti handimugutsi here zvakaooma hazvo ndakangoridza katsamwa kaiva kure kuitira kuti Chipo asazvinzwe.Ndakatarira Chipo asina hembe ndikaoona kuti mwana wevanhu akanga akabatana semvura iri muchirongo chaicho.Gumbo rake rakanga rakatsvukirira sechidya chehuku yaundurwa.Ndakapfeka ndokumutendawo nerudo rwakanga andipa. Takambundirana zvekare ndokutsodanazve kusvika pakufemereka futi. Iwe chipo zvakwana ahh chidzokera ndozokushanyira nerimwe ramazuva uye ziva kuti ndiri wako kusvika nariini apa ndakanga ndava kutaura mashoko aya ekusimbisa umwe wangu kuti asafunge zvakawanda. Heya Taka unoti ndichaeendepi iwee wandirara zvakadaro ko ndikaita nhumbu unoti inochengetwa nani uyo ndichipo kanaga zvino obata bhandi rebhurukwa randakanga ndakapfeka. Ndakanzwa ziya rotanga kueerera nemuviri wese zviya zvekuti ndiri monya pamamonya zvakanga zvakuzopera nekuti uku kwakanga kwava kugara pamusoro penungu kwandanga ndaita. Ndakaramba ndakanyarara mdakangomutarira kumeso ndakazoona shasha yandiregedza ndokunyemwerera,moyo wangu wakamboti sunungukei asi ndakanga ndamirira kunzwa kuti aizoti kudii. Taka ndanga ndichida kuoona kuti unoti kudii ndingabva ndadaroowo here ini ndichiziva kuti kumba kune mukadzi ungasazviuraye here ndikasara ndava chirikadzi akanyamwere hake chipo achindisvitsa mvura yekunwa.Ndakatura befu ndokutenda kundichengeta kwaakaita ndokuoonekana zvedu. Chipo ndokushanyira mukupera kwevhiki inouya undigadzirire zvese zvandinoda ndakabva ndaseka ndichisimudza saga renyama kuti ndifambe zvangu. Zvakanaka save mofamba zvakanaka uyo ndichipo akanga avakudzokera hake kumba kwavo. Ndakatanga zvino kurova mutunhu ndakanga kumatumba angu. Kwandakanga ndava uku ndakanga ndakuziva zvekuti handaimborasika.Ndati fambei ndakaoona kuti ndakanga ndatova pedyo nepamusha pangu.Babamukuru vauya uyo ndi mainini Tanya vakabuda mumba vachindimhanyira ndokusvindijambira zvekuti rimwe gumbo rakapota neseri rimwewo neseri uye muchero wakanga wakutooneka pachena. Ahh mainini dzikai hamuna kupfeka bhurukwa ka imi..... to be continued

08/11/2021

THE SHONA NOVEL BY T. MAPS

0774036294

PART 24

Paakasvika ndakafunga kuti aida zvekutondipa rudo ndakanga zvino ndongomedzera mate sepauro paooma asi aiva mate ekuti ndakanga ndatarisana netafura yakaisvonaka. Ndakaoona Chipo otora tauro akarinyika mumvura ndokusvina ndokuuya kwandiri naro ndakafunga kuti asi aida kuzorishandisa kana tapedza basa here kana kuti aizoeenda naro muimba make aairara izvi zvese zvaiva mupfungwa dzangu asi aiziva chokwadi aiva mwene wacho. Ndakati regai ndibvunze munhu uyu kuti aida kuzodii nekuti akanga ongomira mira senherera yakubikirwa chikafu musi wafa mai vayo. Iwee Chipo ko kungoramba wakamira asi urikushaya hope here idouya pandiri pano nditandadze uwane hope ko ndozvataiita ka isu kutanga wapa hove masese kuti dzidye tigowana mabatiro. Shasha yakauya ndokugara pamagudza pedyo neni yakanditarisa kumeso ichisekerera. Chokwadi apa hapana kwandaieenda nako nekuti miyedzo iyi ndakanga ndatoona kuti handiikundi.Ko kumhuri yangu ndaizonotii kana ndadzokera kumba, ko chipo akaita nhumbu aizonditsvaga ka akuda kubetserwa kuchengeta mwana ndangariro dzakawanda zvekuti shungu dzekuti ndiponde nhamo dzakanga dzakupera hameno ndakati regai ndinzwe iye kuti aizotiii.Saka zvawagara pedyo neni netauro wati ndidii nhai chipo.Akapindura zvinyoro nyoro ndokuti.. Taka iwee hausikuoona kuti kuri kupisa saka ndakuigira kuti ugopota uchipukuta kumeso kwako hauooni kuti ziya rako riri kueerera akadaro hake chipo achinyemwerera. Mupfungwa dzangu ndakaoona kuti uyu munhu arikunyepa uyu ane zvaakanga akateya ndakamubata neche muchiuuno ndichida kuoona kuti aibvisa ruooko rwangu here, ndakaoona kuti akaramba akanyarara ndakatanga kurikwidza richiieenda kumusoro kumazamu chaiko zvakandakasangana nazvo zvinokunda ngoma kurira uhhh mazamu ake akanga akati twiii sehohwa hunonzi nhedzi huchangomera. Ndakaoona munhu otsunzunyira maziso achiswedera pedyo ndakatangawo kuunza rumwe ruooko kuitira kuti abetserane kushanda munhu uyu. Ndakabuda mumachira mandaiva ndokusimudza mwana wevanhu ndakananga naye mumba make nekuti ndimo maiva nemubhedha. Ndakamutsveta zvinyoro nyoro sezai rechapungu ndokutanga kumutsvoda tsvoda, mwana wevanhu akanga zvino asisagoni nekufemereka ndakabva ndamira kumubata bata ndokugara pamubhedha ndakamutarira kumeso. Ko urikunditarisirei kudaro nhai taka ingopedzisaka zvawatanga handiti ndiwee here wandidaro uyo ndichipo akamga akubvisa mbatya dzaakanga akapfeka. Zvino kule vakanga vasimudza musoro kunge mhakure yasvikirwa pamwena wayo apa ndakanga ndakunyara wena uye ndakanga ndisingadi kuti Chipo aoone kuti ndozvaitika saka ndakasungura bhandi ndokutora kule ndiye shwee ndabandi kuti zvisaooneke. Ndakanga ndongoti bwai bwai semuroi aedzerwa pamba pevanhu. Huya mhani taka ndichipo uyo akanga ondidhonzera pamubhedha ndakada kuita twunharo asi hapana chakashanda nekuti akanga ada mwana uyu. Twunharo twangu twaingova twenguva ichauya kuti kana aizotii ndane nhumbu ndaimuudza kuti handiti ndiwer wakandimanikidza here asi ini ndakanga ndakunzwa kudawi bonde naye. Zvana Ruva ndakanga ndakutombozviisa parutivi.Ndakatanga kubvisawo mbatya dzandakanga ndiinadzo ndokukandira ukoo apo chipo akanga atoita mugara ndakateya chaiwo. Nguva dzakanga dzaenda zvekuti ndakanga ndakunzwa machongwe akukururidza zvichireva kuti kwakanga kwakutoeedza. Ndakanyatsopfugama ndokutanga kunamata nechemumoyo kuti chikafu chandaizodya chisazo ndizvimbirise kana kuti chisandifinhe ndisina kuguta. Iwee taka kuno chena ka nhai iwee uchiita chinono asi urikunditya here uyi ndichipo aitaura izvi akavhara kumeso nemaooko. Ndakaoona kuti kamunhu aka kakuda kutondijairira ndikati regai ndikape zvinoenderana nako. Takaendera mberi nekutsvodana aikaka ndokuoona joramu akuda kupinda mumba ndakaoona chipo oridza mhere ndakabva ndakwakuka ndichinomhara necheukoo,, chiiiii nhai iwee iwee chipoo urikuchemei.,ndakafunga kuti asi aiva mhandara saka zvaireva kuti ndini ndatanga kuvhura nzira yeparuware ndakadzokerazve pamubhedha ndokumutsvoda zvekare. Ahh taka urikundikuvadza ka iweee zvinorwadza nhai uyo ndichipo aidonha misodzi. Ndakabva ndaoona kuti yaiva mhandara uye ndakanga ndazvipira kuita vakadzi vaviri kuti Ruva na Chipo asika ko mainini tanya ndaizodii hameno taizotangira ipapo. Ndakaramba ndinyengerera Chipo kusvika kule vapedza shungu nekuti hapana kwandaieenda zvakadaro. Ndakaoona chipo atokotsira ndikaziva kuti uhh anenge akanga arwadziwa. ndakamufukidza jira ndokurarawo pedyo naye. Hope dzakandibata ndokuzopepuka mumba matochena kare ndakaringa ringa patakanga rakarara ndokuoona ropa rakazara pamachira ndakabva ndabuda mumba make ndokueenda kuneimwe imba umo maakanga akandiwaridzira ndakatanga kuzvirova dundudhu ndichizvipa nyembe kuti ndakawachisa kamwana aka kanga kada kudyairira vanhu vakuru.Ndakadzokera maaiva akarara ndokusvikomumutsa kuti ageze uye andirongedzere nyama yangu kuti ndiwane mafambiro zuva risati rapisa. Akamuka ndokundipa zimbama ndokuti huhuhu ndozvaranga richida chete iri richingoti chisoro., ndakabva hangu ndaseka ko ndaidii chero mbama yacho yairwadza ndakazvishingisa semunhu mukuru. Chipo ndakuda kueenda ko chindirongedzera ka ndieende hangu ndozodzoka ndokuoona pamasvondo maviri arikuteera ndakataura hangu izvi ndakamira pedyo naye. Iwee taka hona wandikuvadza apa urikuda kueenda unoeendepi nhai iwee uchindisiya ndakadai heee hazviiti zvaurikutaura ndichakuti chieenda ndega kwete zvaurikuda kutaura izvi uyo ndichipo akanga akatosunga chiso. Ndakaoona kuti ndakanga ndabata pasingabatwi saka zvichireva kuti ndaieenda naye kana kuti ndaitogara naye ipapo apa pakanga pakundioomera zvekuzvirova dundundu zvakanga zvakutoshaya basa. Chipo zvauri kutaura hazviiti hona mhuri ndakaiisiya nezuro ndichiti ndiri kunovhima saka unoda kuti vazonditsvaga sezvavakaita here paya uye Ruva ane pamuviri kumba hakuna kana muriwo ndosaka ndashingirira kutsvaga muriwo wekuti ndivaigire ndakataura izvi misodzi iri pamatama ndakaoona chipo oseka ndokuti ndiri kutamba hangu ini..... to be continued

08/11/2021

THE SHONA NOVEL BY T. MAPS

0774036294

PART 23
Tisvikewo tisvikewo pano, ndakadeedzera ndichisvika pachivanze chepamba apa. Ndakaringa kwose ndokuoona aika ndipo pamba oana chipo nhai izvo zvakabva zvandiratidza kuti chaingova chadzimira chaivepo pandakamborasika mugomo remazivandadzoka. Pamba apa pakanga pasiri kure zvakanyanya nekwandaigara asika nerima rikange rakuputira unoona kunge paiva nrmutunhu mukuru kwazvo. Ndakanzwa izwi rakadaira richibuda nemumba asi rakanga riri izwi remunhu kadzi. Ndakatura mhuka yandakanga ndinayo pasi pedyo nepaiva nehuni ndokumira kuti ndioone kuti ndiani aibuda mumba imomo. Ahh zvaari mashura ko urikubva nepiko nhai Taka munhu wemakore inga Mwari ndewe munhu wese ndafara zvikuru kukuoona uye kuti uri mupenyu uyo ndichipo akanga otaura izvi atobata mhuka yandakanga ndiinayo achipinda hake muimba yekubikira. Ndakateera ndokupinda ndokugara pakachituro kaiva mumba umu. Ndini hangu chipo ko vamwe vakadii havo, ko nhai iwee inga kwandinogara pedyo nekuno nhai ini ndinobva paseri apo ko zvemusi uya zvakanga zvakaoomaka iwee kwakandiitira kure kuti ndisvike kumba asi ndinofunga kuti chaiva chadzimira chete takabva tati bvuu kuseka. Haa zvanga zvakaooma iwee taka ko mhuri yawakati iriko iri yakadii hayo kana kuti waindinyepera uchida kuwana matiziro chete uyo ndichipo akanga oda kudenha shumba yakazvirarira hayo. Ndakapindura zvinyoro nyoro ndokumuti variko ndovandabatira mhuka iyoyi saka ndangoti regai nditsvage mvura yekunwa pamusha pano ndokuoona inga ndepana chipo uyo akapotsa atora moyo wangu, ndakabva ndaseka hangu. Kudiii iweee taka mashoko ako anokonzeresa iwee une uchi hwegonera mumukanwa mako zvekuti chero uchida kupindura zvakaipa zvinobuda zvotapira sebota remwana,ko idovhiyaka undisiireewo muriwo pamwe ndingaitawo mazuva ndichibika ndombodyawo zvabatwa nehomba rume yakapotsa yaita yangu akabva aseka hake. Iti murume k*k wangu ndakataura hangu ndokutora banga kuti ndivhiye mhuka iyi asika ko ndaizoti kudii kuna Ruva kumba kana ndikasvika nyama yangiva midzonga asi ndakanga ndisingazoshayi zano rekutaura haro sezvo ndaiva tsuro magen'a pakufunga. Ndakatora chinguva ndichivhira uye kugovanisa nyama yandaizooenda nayo uye yaizosara pamba apa.,Ko nhai Chipo ko hanzvadzi yako iripi musi uy ndakasvika ukati haapo ko nhasi aripi zvee... Urikubvunzs munhu akutoshanda here akufudza mombe kwa VaGwashinga mhiri kwechikova chamuturikwi ukoo akapindura chipo ari mubitsi rekubvonga kasadza kumunhu mumwechete.Chitora iyi ka Chipo ndoyako uye yandaisa apa iyi wondigocherawoka tigodya tese nekuti yakagochwa ndoida zvikuru. Akatora hake ndokutanga kugocha iniwo ndakanga ndava mubishi kunanikawo yandaizoeenda nayo kwangu kumatumba.Ndakatora chinguva ndichivedzenga asi ndaiti ndikatarira chipo achifutidza moto ndaingoti kamwana aka kamwana aka ndichakapedzera rimwe remakore.Ndakanzwa kumuda asika ko ndaitozoita vakadzi vakawanda ka ini kuti iye amai vekumba vanova Ruva, mainini Tanya naiyeka Chipo uyu zvino ndaizvozvikwanisa here, Zvino iro zuva rakanga rotopinda muna mai varo saka zvaitozoreva kuti ndaifanira kurara pamba apa ndofumo muka mambakwedza ndakananga kwangu kuti ndifambe usiku nenyama ahh zvakanga zvakaooma nekuti zvikara zesango zvaindiita kanyama kanyama chokwadi, Ndakatanga kudya hangu sadza riya nenyama yakagochwa yainaka zvikuru ndokupedza ndokuzadzisa nemvura yaitonhorera yakanga iri muchirongo..Nyaya dzaitsva dzakasiyana siyana kusvika kwati ndooo. Ko pakurara todii ini ndane hope ini Chipo idondipawo magudza ndirare hangu ndakataura izvi ndichidzora maziso mukati nekuti ndakanga ndakaneta. Handei kuimba yekurara unorara hako ndokwatichanorara ikoko uyo ndichipo akanga akurongedza hake ndiro dzandakanga ndadyira hangu. Ndakatanga kugaya kuti zvinoreva kuti aida kuisa gonzo mudura ka mwana uyu ko nzungu dzaizodyiwa aizodii ahh hameno kwaiva kufunga kwangu pamwe iye aizodzoka orara muimba yekubikira iyi nekuti ndozova kuti uku kwaiva kuteiwa kana kuti ndopandaizochema ndarumwa nechekuchera. Ndakasiya ndananika nyama yangu iya kuti isvave ndigowana maitakuriro ndakueenda. Ndakabuda panze ndakamirira kuti auye akinure mukova wake. Ndakaoona zvino shasha yoimbirira kanziyo kechechi, handizivi hangu kuti aiva munhu aida Mwari here kana kuti akanga akufarira kupiwa rudo na Save. Akavhura mukova ndokutungidza mwenje ndokutanga kuwarira hake pekuti ndirare. Ndakaringa mumba umu ndikaoona aika imba iyi yaiva nemakamuri maviri izvo zvaireva kuti pamwe iyewo aizorara mune imwe kamuri yachoo. Uya urare apa Taka ini ndinorara muneimwe kamuri asi wanga wati torara tese here sezvatakamboita pamusha paya patakakumbira kurara k*k akaseka hake achipinda maaida kurara,. Ndakapinda mumachira ndokuoona adzokazve ndokumira akanditarira. Ko wadzoka futi here nhai iwee ndoda kurara mhani ini chieenda unorara uko ndakataura izvi asi moyo waitsva mukati nekuti ndakanga ndakafungira mweya wakaipa. Nematyiro aunoita iwee Taka paya wakanditya wani k*k urare zvakanaka ndozvandanga ndauya kuzokuudza.,Ndinotenda Chipo newewe urarewo bhoo asi ndiri kuuyamo kuzokupa rudo k*k ndakaseka zvangu ndokuoona munhu akutouya mumachira mandaiva to be continued

Address

Chivhu
Ruwa
004

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kunyorwa Nekuverengwa Kwema Book - Novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Kunyorwa Nekuverengwa Kwema Book - Novels:

Share

Category